Uncategorized

Businessman ovata naamai mbune . . . nehanzvadzi dzake 4 

08 May, 2022 - 02:05 0 Views
Businessman ovata naamai mbune   . . . nehanzvadzi dzake 4  Madzibaba Mutumwa

Kwayedza

Trisa Ray Sibanda

HUKAMA pakati paamai nemwanakomana wavo haugoni kudimburwa uye rudo pakati pevaviri ava haruna charungaenzaniswa nacho asi rwune parwunogumira.

Zvisinei, kune murume adarikidza muganhu unopatsanura mhuri inodanana nemazvo kuburikidza nekuita bonde naamai vake vekumutumbura zvose nehanzvadzi dzake ina semhiko yekuti apfume.

Muzvinabhizimisi wekuGwanda uyu (zita tinaro) audza Madzibaba Emmanuel Mutumwa vechechi yeJohane Masowe eChishanhu iri kuSelborne Park, kuBulawayo kuti agara achizvidya mwoyo nenyaya yekuita bonde naamai vake pamwe chete nehanzvadzi dzake ina.

Anoti akatanga kushinha uku apo sikarudzi yake yaigara yakatirimuka kwenguva inosvika maawa mana.
Murume uyu anoti aita iri dambudziko kwenguva yakareba.

Machiremba anonzi akatadza kugadzirisa dambudziko iri.

Muzvinhabhizimisi uyu anoti akamboenda kuSouth Africa kunobviswa rimwe ropa kusikarudzi yake senzira yekuti zviserere asi zvakaramba kushanda.

Vanachiremba vanonzi vakamuudza kuti nzira yoga yaishanda kuvhiiwa asi iye akaramba kuitwa izvi sezvo akatya kuti zvaizoita kuti nhengo yake itadze kushanda zvachose.

Akadzoka kumba akatanga kutsvaga rubatsiro kune vezvemweya.

Nemusi weChitatu wadarika, murume uyu anonzi akanamatirwa naMadzibaba Mutumwa.

“Akauya kwandiri akandiudza nyaya yake. Ndakamunamatira kupedza dambudziko rake. Ndakamuudza zvakare kuti arege kushinha naamai vake nehanzvadzi dzake uye anozviziva kuti zvinoreva kuti upfumi hwake hwose hwaakawana nemhiko idzi hwava kuparara. Ari kuzvigamuchira izvozvo.

“Ndakamuudza kuti hanzvadzi dzake hadzina kuroorwa nekuti mweya wakaipa waakatsvaga ndiwo mumwe chete unova murume wepamweya wehanzvadzi dzake.

“Airara navo panyama uye mweya uyu wairara navo pamweya. Anobvuma zvakare kuti hanzvadzi dzake dzinorota dzichishinha nevamwe varume. Ndiwo mashandiro evarume vepamweya,” vanodaro Madzibaba Mutumwa.

Muhurukuro, murume uyu anoti aisada kushinha pabonde naamai vake nehanzvadzi dzake asi pane mweya unomubata otadza kuziva zvaari kuita.

Anotizve anozobengenuka otanga kuziva zvaari atopedza nevanhu ava.

“Handinyatsoziva kuti chii chinoitika uye amai vangu nehanzvadzi dzangu vanondiudza kuti vanobatwa nehope dzakanyanya vozomuka patova paya. Zvinoita kunge muviri wangu unenge watorwa nemweya wakaipa uyu.

“Chandinoziva ndechekuti pandinomuka ndinenge ndiri mumagumbeze maamai vangu kana imwe yehanzvadzi dzangu. Zvandishungurudza kwemakore izvi,” anodaro.

Muzvinhabhizimisi uyu anoti dambudziko iri rakatanga paakaenda kune imwe n’anga yekuBinga iyo yakamupa mushonga wekuti apfume nekukasika.

“Ndinodemba zvandakaita uye ndinoyambira vamwe vanhu kuti vasashandisa mishonga nekuti hazviperi zvakanaka. Mushonga uyu wanga uchindiita kuti ndishinhe naamai vangu nehanzvadzi dzangu uye zvakaita kuti ndide kuzviuraya kakawanda.

“Asi ndinofara kuti Prophet Mutumwa vandisunungura hupenyu hwangu nehwaamai vangu nehanzvadzi dzangu nekuparadza mushonga uyu,” anodaro murume uyu.

Amai vake nehanzvadzi dzake vanoramba kutaura nezvenyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>