Uncategorized

Bvisai zvirango: Ziliwaco

15 Oct, 2020 - 11:10 0 Views
Bvisai zvirango: Ziliwaco Cde Shain Chakanyuka

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira vaiva anamujibha nanachimbwido munguva yehondo yerusununguko, reZimbabwe Liberation War Collaborators Association (ZILIWACO) rinoti zvirango zveupfumi zvakatemerwa Zimbabwe nedzimwe nyika dzemadokero zviri kukonzera kutambura kukuru kuzvizvarwa zvenyika ino.

Cde Shain Chakanyuka (60), avo vanova munyori mukuru wesangano iri, vanoti zvirango zveupfumi zvadzosera budiriro yenyika kumashure.

“Zvirango zveupfumi izvi zvasvitsa makore makumi maviri zvakatisunga senyika. Zvakonzera kutambura kwemhuri zhinji munyika muno apo Hurumende ichiedza nepainogonera kuti vanhu vararame zvakanaka. Tinoda kubatana neruzhinji rwenyika kuti zvirango izvi zvibviswe,” vanodaro Cde Chakanyuka.

Zvirango izvi, vanodaro, zvakonzera kuti nyika isawane mari yekunze pamwe chete nevemabhizimusi vanobva kune dzimwe nyika vachizotanga mabhizimisi avo muZimbabwe.

“Kutaura chokwadi, zvinhu zvakawanda hazvisi kufamba munyika nekuda kwezvirango izvi zvinova zvakonzera kuti vamwe vanhu vane muwono wakadzimaidzwa vafunge kuti Hurumende yedu iri kutadza basa. Matambudziko ose atiinawo ari kukonzerwa nezvirango zveupfumi izvi nekudaro zvinofanirwa kubviswa nekukasika,” vanodaro Cde Chakanyuka.

Vanoenderera mberi: “Vana vedu muno vari kupinda zvikoro zvepamusoro vachiwana madhigirii nemadiploma asi havazi kuwana mabasa sezvo vakangogara kudzimba nekuti makambani haasi kushanda zvakanaka kuburikidza nezvirango zvehupfumi izvozvi.”

Vanoti Hurumende yakaita chirongwa chekugarisa vanhu patsva kuburikidza nekuvagovera ivhu, asi budiriro munyaya dzekurima iri kukanganiswa zvakare nezvirango izvi.

“Minda takapihwa neHurumende asi dambudziko riripo hatiwane zvinhu zvakakwana zvekushandisa nekuda kwezvirango izvi. Varimi vanoda simbi dzekugadzirisa matirakita nemimwe midziyo asi havakwanise kuzviwana,” vanodaro Cde Chakanyuka.

Vanoti nyaya inonetsa ndeyekuti kune mamwe mapato ezvematongerwo enyika anopikisa ayo ari kutsigira zvirango zveupfumi izvi.

“Mukati medu mune vamwe vanotsigira zvirango zveupfumi izvi, imo muno muZimbabwe. Tinozvishaya kuti vanhu ivava vanorarama vari kupi sezvo vachiita sevanogara kune dzimwe nyika. Ngatitaurei nezwi rimwe chete pakuti zvirango izvi zvibviswe.”

Gore rapera, sangano remubatanidzwa reSadc rakatara musi wa25 Gumiguru sezuva rekuti nyika dzose dziri mudunhu iri dzibatane neZimbabwe mukutaura neizwi rimwe chete kuti zvirango zveupfumi zvisiri pamutemo izvi zvibviswe nekukasika.

 

‘. . . zvakanganisa ruzhinji rwevanhu’

Kingstone Mapupu

VANAMATI vemachechi echipositori vari pasi peApostolic Christain Council of Zimbabwe (ACCZ) vanoti nguva yakwana yekuti zvirango zveupfumi zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumavirira zvichibviswa.

Mukuru wesangano iri, Archbishop Johannes Ndanga vanoti hapana chikonzero chekuti zvirango izvi zvirege kubviswa nekuti dunhu rose reSadc rakawirirana kuti zviri kukangnisa raramo yeveruzhinji munyika muno.

“Chimhuka chinonzi masanctions chakonzera nyika yedu kutadza kushanda zvakanaka. Kunyangwe tikashanda zvakadii, zvibereko zvedu zvinomedzwa nekuda kwezvirango izvi,” vanodaro Archbishop Ndanga.

Vanokurudzira machechi ose emunyika muno kuti ataure nezwi rimwe chete munyaya yekurwisana nezvirango izvi.

“Isu sevatendi, tiri kuti ngatibatsiranei kuti zvirango izvi zvibviswe. Hazvina mhosva unopinda chechi ipi kana kuti unonamata uri kusangano ripi, nguva yakwana kuti zvirango izvi zvibve. Handioni zviine pfungwa dzakaringana kuti kune munhu anokurudzira kuti zvirango zvisabviswe,” vanodaro Archbishop Ndanga.

Archbishop Ndanga

Vanoenderera mberi vachiti, “Semachechi, tinoshanda zvakanaka zvikuru neHurumende muzvirongwa zvebudiriro. Saka tinoti zvirango zveupfumi ngazvibviswe. Makambani edu adzikira mashandiro awo uyewo mamwe ari kuvharwa.”

Archbishop Ndanga vanoti zvakakosha kuti vemachechi vanamate nechinangwa chekuti zvirango izvi zvibviswe.

“Ngatinamatirei nyaya yekuti zvirango zveupfumi izvi zvibviswe tigodzokera pakurarama kwedu kwakanaka,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>