Caps yatanga hondo

12 May, 2017 - 00:05 0 Views
Caps yatanga hondo

Kwayedza

Abel Ndooka —
SHASHA dzeCastle Larger Premier League – CAPS UNITED – dzakaenda kumazivandadzoka kuEgypt uko dzichasangana neZamalek Sporting Club mumutambo wekutanga weCAF Champions’ League group stages uyo uchatambwa neChishanu.

Aka kachave kekutanga Kepe-kepe ichikwikwidza padanho remutambo uyu uye ichange ichirwira kuve chikwata chekutanga zvakare kubva muZimbabwe kuhwina mukombe weChampions League uyo wakapotswa neDynamos nepadiki mugore ra1998.

Kepe-kepe yakaiswa mugroup B umo ichange ichitatsurana nezvimwe zvikwata zvinoti Zamalek, USM Alger yekuAlgeria neAl Ahly yekuLibya.

Zvikwata zviviri zvichapedza zviri pamusoro ndizvo zvichafambira mberi mumutambo uyu.

Zvakadai, Kwayedza svondo rino yakaita ongororo yekuona kuti Zamalek yange ichimbotamba sei mwaka uno.

Zamalek yakavambwa mugore ra1911 uye kusvika parizvino chikwata ichi chakwanisa kuhwina mukombe weCAF Champions League kashanu munhoroondo yayo. Gore radarika, yakakundirwa mufainari yemutambo uyu neMamelodi Sundowns yekuSouth Africa.

Apo CAPS UNITED ichasangana neZamalek musi weChishanu manheru, inofanirwa kungwarira vatambi vechikwata ichi vatatu vanoti Hossam ‘Paulo’ Salama (33) uyo akwanisa kunwisa kasere muligi rekuEgypt kozoti Emmanuel Mayuka akambotambira Southampton yekuEngland naBassem Morsi chizvarwa chemuEgypt.

Paulo akatengwa neZamalek gore rino muna Ndira achibva kuSmouha uye akwanisa kutambira Zamalek katatu akanwisa kaviri.

Mwaka wadarika, muchinda uyu – uyo aimbotambira Egypt – ndiye akahwina mubairo wegolden boot mushure mekunge anwisa ka17 muligi reko. Ndiye zvakare akahwinha mubairo mumwe chete uyu muna 2015 apo akanwisa 20.

Mwaka uno, Paulo ange asiri kutamba zvinonwisa mvura sezvaakaita miviri yadarika asi hazvina kutadzisa Zamalek kuti imutenge sezvo inoziva kuti anogona.

Mutambi uyu kuchikwata ichi akatsiva Mahmoud Abdul Monem Abdelhamid Sliman uyo ainyanya kuzivikanwa saKahraba ave kutambira Al Ittihad FC (Jeddah) yekuSaudi Arabia uko ari kunwisa zvinodadisa.

Mumwe mutambi weZamalek ari kutamba zvinonwisa mvura ndiMorsi uyo akwanisa kunwisa katanhatu mwaka uno kubva mumitambo 28 yatambwa nechikwata chake.

Mwaka wadarika, Morsi akanwisa kanomwe uye aive muchikwata chakakundwa mufainari yeChampions League neMamelodi Sundowns.

Nekune rimwe divi, Kepe-kepe ichange yakaisa tariro yayo yekuhwina pavatambi vanoti Abbas Amidu naRonald Chitiyo.

Amidu akwanisa kunwisa katatu mumitambo mishanu yatambwa neCAPS UNITED muPSL.

Chitiyo mutambo uyu anouziva zvakanyanya zvichitevera kutamba kwaakamboita neDynamos FC uye gore radarika akatamba muCAF Confederations Cup neHarare City.

Kepe-kepe ichange isina mutambi wayo wekumberi – Leonard Tsipa – uyo akahwina mubairo wePSL Golden Boot mwaka wadarika.

Chikwata ichi chinotofanirwa kutokunya dzisimbe kuti chifambire mberi kusvika kufainari yemutambo uko chinenge chahwina chichawaniswa US$2,5 miriyoni.

Share This:

Sponsored Links