Chabvondoka kuAFCON

12 Jan, 2024 - 12:01 0 Views
Chabvondoka kuAFCON Sadio Mane

Kwayedza

Abel Ndooka

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa kuCote d’Ivoire kutanga musi weMugovera apo nyika 24 dzemuAfrica dzichange dzichikwikwidza mumutambo mukuru wenhabvu weTotal Energies CAF Africa Cup of Nations 2023.

Uyu uchange uri mutambo wechi34 weAFCON uyo unorongwa neConfederation of African Football (CAF).

Rwendo runo CAF yakawedzera mari ichahwiniwa nechikwata chichasimudza mukombe uyu icho chichawaniswawo US$7 miriyoni.

Chikwata chinenge chakundirwa mufainari yemutambo uyu chichapihwa US$4 miriyoni.

Mutambo wekutanga uchaona Cote d’Ivoire ichisangana neGuinea-Bissau muboka rekutanga reGroup A.

Group A rimwe remapoka akaoma chaizvo kumutambo wegore rino nekuti mune zvikwata zvinosangansira Nigerian neEqutorial Guinea izvo zvichazobanda musi weSvondo mumutambo wechipiri.

Cote d’Ivoire imwe yeshasha dzakambosimudza mukombe uyu kumashure izvo zvakaiona ichihwina mutambo weAFCON makore anoti 1992 na2015.

Gore rino, Serge Aurier ndiye kaputeni weCote d’Ivoire uye achazama kutevera mumatsimba emamwe makaputeni akasimudza mukombe uyu anoti Yaya Toure muna2015 naSaint-Joseph Gadji-Celi uyo aive kaputeni wechikwata ichi mugore ra1992.

Boka rechipiri reGroup B richange rine dzimwe dzaimbove shasha dzeAFCON dzinoti Egypt (6) neGhana (4) izvo zvichatatsurana nezvimwe zvikwata zvinoti Cape Verde neMozambique.

Uyu mukombe usati wambobatwa naMohamed Salah, kaputeni wemaPharaohs uyo aive muzvikwata zva2017 na2021 izvo zvaikundirwa mufainari yemutambo uyu.

Salah anoziva kuti uyu unogona kuita mukana wake wekupedzisira kuhwina mukombe uyu saka ari kufanirwa kutungamira chikwata chake zvine mutsindo kuti chirwe semvumba.

Shasha ine mukombe weAFCON takatarisana nemutambo wegore rino, Senegal iri muboka rechitatu reGroup C umo icharwisana neCameroon.

Cameroon yakambohwina mukombe uyu kashanu nezvimwe zvikwata zvinoti Guinea neGambia.

Iri rimwe remapoka richange richitariswa zvikuru nevatsigiri venhabvu nekuti rine zvikwata zvinotamba nhabvu inonwisa mvura.

MuGroup D muchange mune zvikwata zvinoti Algeria shasha ya2019, Burkina Faso, Mauritania neAngola.

MuGroup E muchakwikwidza Tunisia, Mali, South Africa neNamibia.

Chikwata chiri kufungidzirwa nevazhinji kuti ndicho chichahwina mukombe wegore rino cheMorocco chiri muGroup F umo chichasangana neDemocratic Republic of Congo, Zambia neTanzania.

MaAtlas Lions nguva pfupi yadarika akatamba nhabvu yainwisa mvura izvo zvakamaona achisvika kusemi-final yemutambo weFIFA World Cup.

Izvi zvakabva zvaita kuti chikwata ichi chive chekutanga kubva muAfrica kusvika padanho iri.

Matambiro akaita maAtlas Lions kuWorld cup nemimwe yakazotevera ndizvo zviri kutuma vazhinji kutaura kuti ichi ndicho chikwata chinogona kusimudza mukombe uyu.

Kumutambo uyu kune vatambi vakawanda vanotambira kunyika dzekuEurope, America, Asia uye nemuAfrica.

Vatambi vashanu vanotevera ndivo vamwe vekutarisira kumutambo uyu.

Mohamed Salah

1. Mohamed Salah – Kaputeni weEgypt uyu mutambi ane mukurumbira pasi rese uye akwanisa kuhwina mitambo yakawanda ari kuchikwata chake cheLiverpool asi haasati ambohwina mikombe nenyika yake.

Mumasvondo anotevera, Salah ndiye achange akabereka tariro yenyika yake apo ichange ichirwira mukombe uyu.

2.Sadio Mane – Maziso akawanda achange ari paari zvichida kuonekwa kuti anokwanisa here kutungamira nyika yake kuchengetedza mukombe uyu uyo wavakahwina pamutambo wekupedzisira weAFCON. Mane akatadza kuenda kuWorld Cup nenyika yake zvichitevera kukuvara kwaainge aita achitambira Bayern Munich.

Vincent Aboubakar

3.Vincent Aboubakar – Kaputeni weCameroon uyu mumwe wevatambi vari kurwira kuhwina mukombe weAFCON kechipiri. Aboubakar aive muchikwata cheIndomitable Lions icho chakahwina mukombe uyu mugore ra2017 uye semakore ese, Cameroon chimwe chezvikwata zvinenge zvichitarisirwa kurwira mukombe uyu.

Victor Osimhen

4.Victor Osimhen – Mutambi wemaSuper Eagles uyu mutambi ari kudiwa nezvikwata zvekuEurope sezvo achizivikanwa nembiri yake yekunwisa mabhora zvemhando yepamusoro. Shasha ine mubairo weAfrican Footballer of the Year neSerie A Footballer of the Year.

Mohammed Kudus

5. Mohammed Kudus – Tariro yeGhana yekuhwina mukombe uyu kechishanu ichange iri pavatambi vakaita saKudus uyo mwaka uno ari kutamba nhabvu inonwisa mvura kuWest Ham United muEngland Premier League.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>