Chabvondoka kuDivision One

13 Apr, 2022 - 16:04 0 Views
Chabvondoka kuDivision One Sweeney Mushonga

Kwayedza

Abel Ndooka

ZVIKWATA zvisere zvinokwikwidza muNorthern region Division One, izvo zvakapedza zviri pamusoro apo pakambomiswa mitambo yeligi iri, zvave kutanga kubandana mumutambo weAxis Solutions Super 8 Cup.

Svondo radarika, Northern region yakazivisa kuti mitambo yave kumbomiswa kuitira kuti mutambo wemukombe weAxis Solutions Super 8 Cup uchitanga.

Mutevedzeri wasachigaro weNorthern Region Division One (NRSL), Sweeney Mushonga, anoti kutanga svondo rino mitambo yeAxis Solutions Super 8 Cup ndiyo yave kumbotambwa nezvikwata zvisere izvo zvakasvika musi wa1 Kubvumbi zviri muTop 8.

“Mitambo yedu yeNorthern Region yambotora zororo kuitira kuti yeAxis Solutions Super 8 Cup ichitanga uye draw remitambo yacho rakaitwa svondo rino muHarare.

“Kusvika pari zvino, zvikwata zvedu zvose zvatamba mitambo 16 saka zvange zviri muTop 8 ndizvo zvave kunobandana mumutambo weAxis Solutions Super 8 Cup uyo uchatambwa kusvika kusemi-final,” anodaro Mushonga.

Anoti mitambo yeNRSL paichasimudzirwa yave pedyo kunopera pasara masvondo maviri, vachaimisa zvekare kuitira kuti semi-final nefainari yeAxis Solutions Super 8 dzitambwe.

“Chatiri kuda kuti mitambo inakidze, naizvozvo tiri kuronga kuti mitambo yeNRSL yave kunopera pasara masvondo maviri ndipo pachazotambwa semi-final nefainari yeSuper 8.

Ukuwo mitambo yeNRSL inenge yave kupisa vatsigiri vose vakavhurira ziso vachida kuona kuti ndechipi chikwata chichahwina, pamwe pangona kuwana chinogona kuhwapura mikombe yese miviri iyi,” anodaro Mushonga.

Anoti ari kuyemura zvikuru nhabvu iri kutambwa muNRSL sezvo zvikwata zvose zviri kutamba zvinonwisa mvura.

“Hapana mitambo yambotambwa isinganakidze, kwete. Zvikwata zvose zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura, izvi zviri kuita kuti ligi rirambe richinakidza.

“Matambiro ari kuita zvikwata zvose zvorakidza kuti nhabvu yedu ine chiedza chakanaka zvikuru,” anodaro Musonga.

Zvisinei, zvikwata zvichakwikwidza muAxis Solutions Super 8 Cup zvinoti Simba Bhora FC, Golden Eagles FC, Herentals Under-20, Commando Bullets, Black Mambas, Ngezi Under-19, Chegutu Pirates neTrojan Stars.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>