Chabvondoka kuKuwadzana Area Zone Soccer League

28 Mar, 2024 - 22:03 0 Views
Chabvondoka kuKuwadzana Area Zone Soccer League Karen Rambai Mbisvi

Kwayedza

Abel Ndooka

MWAKA weKuwadzana Area Zone Soccer League wakatanga nguva pfupi yadarika izvo zvakaona zvikwata zviri kukwikwidza gore rino zvichiwedzerwa.

Gore radarika, muligi iri maikwikwidza zvikwata 12 asi mwaka uno zvakawedzerwa kusvika pa16.

Muhurukuro neKwayedza, sachigaro weKuwadzana Area Zone Soccer League – Karen Rambai Mbisvi – uyo anonyanya kuzivikanwa saSir Stoko, anoti vari kufara nekuwedzera kwakaita zvikwata zviri kukwikwidza izvo anoti zvichabatsira zvikuru kukura kweligi ravo.

Anoti gore rino vari kuvamba rimwe ligi idzva iro richaona zvikwata zveUnder-12, 14 ne16 zvichizokwikwidza.

“Mwaka wedu wegore rino wakatanga nguva pfupi yadarika uye tiri kufara nekuwedzera kwakaita zvikwata zvave kutamba nhabvu muKuwadzana Area Zone Soccer League.

“Isu tiripo pakubika nekusimudzira nhabvu. Tinoda kusimudzira vechidiki vagove neremangwana rakajeka munhabvu saka kana zvikwata zvichiwedzera zvinofadza nekuti zvinoreva kuti basa ratiri kuita rakakosha zvikuru,” anodaro Sir Stoko. Achitaura pamusoro pekuvambwa kweligi idzva remazera eUnder12, 14 ne16, Sir Stoko anoti: “Zvakakosha kuti titange kubika vatambi venhabvu vachiri mazera madiki, ipapo tinoona kukura kwemutambi kubva achitanga kusvika ave padanho repamusoro.

“Saka isu takavamba ligi idzva reUnder12, 14 ne16 nechinangwa chekubika vatambi vechidiki vakawanda.

“Mutambi kana ave kuzotamba muPremier Soccer League (PSL) kana zvikwata zvekunze, tinenge tichiziva kuti akabva nekupi uye veruzhinji vanototaura kuti mutambi uyu takamuona achikura achitambira kuzvikwata zvevechidiki.”

Share This:

Sponsored Links