Chatsva kuBulawayo . . . Bosso yotatsurana neDeMbare

12 May, 2022 - 14:05 0 Views
Chatsva kuBulawayo . . . Bosso yotatsurana neDeMbare Tonderai Ndiraya

Kwayedza

 Abel Ndooka

KUNOTSVA demo kugosara mupinyi kunhandare yeBabourfields Stadium kuBulawayo nemusi weSvondo uko makara asingaonane — Highlanders neDynamos — zvichatatsurana mumutambo weCastle Premiership uyo vazhinji vanoziva seBattle of Zimbabwe kana kuti Zim Derby.

Zvikwata zviviri izvi kubva kare pazvinonosangana panotambwa nhabvu inonwisa mvura.

Makwishu aya ari kuuya kwapera masvondo mashoma zvichitevera kusangana kwakaita zvikwata izvi mumutambo weIndependence Trophy uyo wakahwinwa neBosso 1-0.

Murairidzi weDeMbare, Tonderai “Stanza” Ndiraya, anoti mutambo uyu mukuru kuchikwata chake.

“Tiri kudzokera kuBulawayo zvekare mwedzi usati wambodarika kunosangana neBosso mumutambo mukuru uyu uyo watinogara tichitarisira makore ese.

“Tinoremekedza mutambo uyu nekudaro tichaukoshesa zvikuru. Patakapedzisira kuenda kunhandare iyi, hazvina kutifambira zvakanaka. Saka tinovimba kuti svondo rino zvichatinakirawo,” anodaro Ndiraya.

DeMbare pari zvino ndiyo iri kutungamira palog muPSL kubva pamitambo 14 yatambwa.

Asi, mumutambo wayo wekupedzisira yakaita mangange 1-1 neBulawayo City kunhandare yeNational Sports Stadium muguta reHarare.

Ndiraya anoti mune mimwe mitambo yavo yadarika, vange vachitora zvibodzwa zvese uye vane tarisiro yekuti izvi zvirambe zvichiitika.

“Hongu, takarasa zvibodzwa tiri pamusha svondo radarika, zvinowanikwa. Mune mimwe mitambo yedu yakatamba tiri kunze, tange tichitora zvibodzwa zvese. Saka zviri kutisunda kuti tishande nesimba takatarisana nemutambo wedu uyu wemusi weSvondo,” anodaro Ndiraya.

Murairidzi weBosso, Mandla Mpofu, anoti vari mushishi kuita gadziriro dzechikwata chavo vakatarisana nemutambo uyu.

Mandla Mpofu

“Tiri mushishi kuita gadziriro dzemutambo wedu mukuru watakatarisana nawo neDeMbare. Tinozosununguka kutaura zvakawanda nemusi weChina chete apo tinotenderwa kutaura nevatori venhau,” anodaro Mpofu.

Bosso pari zvino yakagara pechi11 palog rePSL uye yakwanisa kuwana zvibodzwa 16 kubva pamitambo 13.

Zvikwata zviviri izvi pazvakapedzisira kusangana mumutambo wePSL uyo wakatambirwa muHarare mugore ra2019, wakapera ari mangange 1-1.

Kune mimwe mitambo iriko svondo rino, FC Platinum ichatatsurana nechikwata cheMiracle Boys kana kuti Yadah Stars nemusi weChishanu kuNational Sports Stadium.

Kuchiti nemusi weSvondo zvekare, CAPS ‘Kepe-kepe’ United ichange iri pamusha apo ichasangana neChicken Inn kunhandare yeNational Sports Stadium.

Chicken Inn ndiyo iri pechipiri palogo rePSL apo yakasiiwa neDembare nezvibodzwa zviviri chete kubva pamitambo 14 yayatamba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>