Chava chipatapata kunobaiwa nhomba

16 Jul, 2021 - 14:07 0 Views
Chava chipatapata kunobaiwa nhomba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

PANGUVA iyo Hurumende, kuburikidza  nebazi rezveutano nekurerwa kwevana, iri kuramba ichiunza majekiseni ekudzivirira Covid-19 nechinangwa chekuti akwanirane nehuwandu hwevanhu vari munyika, veruzhinji vari kuratidza kutambira nemaoko maviri danho iri sezvo changova chipatata-pata zuva nezuva vanhu vachinobaiwa nhomba idzi kuzvipatara nekumakiriniki.

Izvi zvava nemusiyana nepakutanga apo vamwe vaiverengera kunobaiwa majekiseni zvinova zvaikonzerwa nemamwe mashoko emanyepo ayo aitenderedzwa pamasaisai eindaneti.

Asi iko zvino mashoko enhema aya haana achaterera sezvo veruzhinji vari kunobaiwa kuitira kuti vazvidzivirire kuchirwere cghanetsa pasi rose ichi.

MuZimbabwe majekiseni ekudzivirira Covid-19 ari kubaiwa pachena uye kune vanozvipira.

Mutungamiri wenyika President Mnangagwa, mutevedzeri wavo VP Chiwenga, avo vanova zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana pamwe chete nevakuru veHurumende, vemachechi nevamwe vakatobaiwa majekiseni aya.

Veruzhinji vava kuona kukosha kwekudzivirirwa kuchirwere ichi chinova chauraya vanhu vakawandisa pasi rose.

Senzira yekuchengetedza upenyu, Hurumende iri kushambadza mashoko ekuti veruzhinji vabaiwe munzvimbo dzakasiyana ichishandisa mapepanhau nenhepfenyuro mukuzivisa veruzhinji nezvakakoshera kwekubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 uye kuzivisa nezvenzvimbo dzavanonobaiwa.

Dzimwe dzenzvimbo dziri kubaiwa vanhu majekiseni muguta reHarare dzinosanganisira Braeside Clinic, Hatifield Satelite Clinic, Mbare Polytechic, Sunningdale Satelite Clinic, Waterfalls Clinic, Tariro Clinic, Western Triangle, Budirio Clinic, Borrowdale Clinic, Mabvuku Satelite Clinic, Rujeko Clinic nedzimwe dzakawanda.

“Tinofara zvikuru nekuunzwa kuri kuitwa mishonga yekudzivirira Covid-19 neHurumende nekuti zvinoratidza kuti ine hanya neupenyu hwevanhu uye nesu tava kuonawo kuti mishonga iyi inobatsira zvisinei nekuti takambozengurira mumazuva azvakatanga,” anodaro Tinotenda Miriro (25) anova mudzidzi wepaUniversity of Zimbabwe.

VaTinotenda Mlambo vekuBudiriro 5 vanoti vakatonobaiwa jekiseni repiri kuti vadziviririke kubasa nekumba zvose nemhuri yavo.

“Covid-19 iriko, zvava kuda mushandirapamwe wemunhu wose kuti tirwise chirwere ichi. Ini ndakatonobaiwa jekiseni repiri nekuti ndiri munhu ane mhuri uye ndinokwira mabhazi akasiyana kuenda kubasa kureva kuti munhu wose anoenda panzvimbo ine veruzhinji ari panyatwa.

“Kubaiwa kwandakaitwa hakureve kuti ndava kuregedza kupfeka mamasiki nekuti kunyangwe takadzivirirwa, chirwere ichi chinogona kutibata asi chinenge chisisina hukasha kwakanyanya sezvinoitika kune asina kubaiwa,” vanodaro.

VaMlambo vanoti vanotambudzwa nechirwere cheshuga uye bp, nekudaro vanoramba vachitora mishonga yavo zvizere.

“Takafundiswa nemachiremba kuti kana ukadzivirira Covid-19 uye uchitora mishonga yako yezvirwere zvimwe zvinokutambudza, zvinobatsira kuti masoja emumuviri mako asava nyore kuparadzwa neCovid-19,” vanodaro.

Svondo rapera bedzi, Hurumende yakatambira mishonga yemhando yeSinovac  inosvika 2 miriyoni kubva kunyika yeChina senzira yekusimbaradza chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni anobatsira aya.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinoti majekiseni ekudzivirira Covid-19 ayo ari kupinda munyika muno akaonekwa akanakira utano hwevanhu uye haana zvaanokanganisa.

Nemusi weChipiri chino, vanhu 29 344 vakabaiwa majekiseni ekutanga kureva kuti vanhu vakabaiwa majekiseni ekutanga vose munyika vava 955 656 apo vabaiwa echipiri vasvika 619 883.

Vanhu vari kurwara nekuda kweCovid-19 avo vari kunaya nechikamu che60 percent kuchiti vashaya nedenda iri vasvika 2 274.
Zvichitevera kuwanda kwenyaya dzechirwere cheCovid-19 pamwe nevanhu vafa, Hurumende nemusi weChipiri yakawedzera hurongwa hweLockdown nemasvondo maviri, zvimwe chetezvo nemazuva ekuvhurwa kwechikoro.

Veruzhinji vanoramba vachikurudzirwa kupfeka mamasiki nemazvo, kusaungana uye kugeza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa masanitiser.

Zimbabwe iri kurumbidzwa nemasangano epasi rose kusanganisira reWorld Health Organisation (WHO) nezvirongwa zvayo zvekurwisa Covid-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>