Uncategorized

Chawakadya ndicho chinokumukira

26 Feb, 2021 - 00:02 0 Views

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena
KUDYA chinhu chakanaka kana vanhu tichidya zvakanaka nenguva dzakaringana.

Asi tikadya mudyiro wenhafu, wemujaho, uye kudya zvese zvese, tinorara tichirwisana negonhi. Tinotodemba kuti ane nzara ari nani nekuti nhamo yekuzvimbirwa inorwadza kupinda nzara.

Hezvino zvinoita munhu akazvimbirwa: haagone kugara zvakanaka, anorotomoka, haarare zvakanaka, anodikitira, anozarirwa, anochaya, haana rufaro, anofemereka, anopererwa nemazano, haagone kufamba zvakanaka, haagone kumhanya, anoitira munhu wese hasha, haagone kuseka, anogara akasuwa, anogara achida kuchema asi hapana waanochemera.

Anonzwisa tsitsi, anodemba kuti akadyirei zvakadaro.

Tikanyatsoongorora hunhu hwemunhu akazvimbirwa uyu nesuwo tinomunzwira tsitsi, asi nhamo yemumwe hairamwirwe sadza.

Vazhinji vedu tinoratidza hunhu hwemunhu atsanangurwa. Zvino kana tichiratidza hunhu hwakadaro, nesuwo chatakadya chava kutizvimbira, chave kutimukira. Chinozvimbira handi chekudya chete. Mamwe maitiro anogonawo kutizvimbira nokuti kana ave kutidzokera tinoita semunhu uyo azvimbirwa pamusana penhafu dzekudyisa sezvinonzi chekudya chinotiza.

Tinoshaya rugare kana tazvimbirwa nekutora zvisiri zvedu. Kutora zveruzhinji imhosva, kunotiparira. Hungava upenyu here kugara munhu uchiterera kuti ndiani ati gogoi pamusha pako, mudunhu mako kana pakambani pako nekutya yawakaparamura?

Hungava upenyu here munhu kugarofunga nhema. Rimwe zuva uchakanganwa nhema dzawakareva kare. Kana zvadai ndipo pauchatanga kumukirwa nechawakadya kare. Hungava upenyu here kugarocheuka-cheuka kuti hapana ari kunditsvaga here?

Hunhu hwataurwa hunowanikwa mudzimba dzatinobva, mumatunhu atigere kana mumakambani atinoshandira. Semumakambani, tinosangana nehunhu uhwu tichihwanda nemunwe kuti takadzidzira basa. Asi ndekupi kuchikoro kunodzidziswa vanhu kubira mhuri yako, kubira vashandi, kubira kambani kana kubira nyika chaiyo?

CHENJEDZO:

Pakudya usingatarise mwero, pakuba zveruzhinji, pakuita zvisirizvo, pakudyira mujaho tichida kupfuura vamwe, tinonakidzwa nazvo zvese izvi zvisinei kuti takawanda tinodaro. Dambudziko rinozongouya chete kana tava dungamunhu.

Munhu azvimbirwa anotambudzika oga, achirwisana nesasa. Kana worwisana nesasa unetenge wava muhusungwa.

Nokudaro, kurwisana nesasa unenge wava kutsvaga kusunungurwa.

Unotsvaga pese pangakupe rusununguko, asi dzimwe nguva, magonhi acho anokupa rusununguko haavhurike. Kana kuchemera amai vako havagone kukubvisa muhusungwa hwekuzvipa sekuzvimbirwa.

Mushonga wekuzvimbirwa kukuiwa dumbu nehurungudo. Zvino kukuiwa dumbu zvinotora nguva, hazviitwe mukumhanya semadyiro awaiita. Hurungudo inodzidzisa nyakudya uye kuita zvinhu pashoma nepashoma. Kukuya dumbu nehurungudo chidzidzo chikuru chatinowana kubva muhusungwa hwedu vananyakudya vaye.  Ngatizvidzivirirei tose kubva kuhusungwa hwatinozvipa hwenhafu.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] <mailto:[email protected]>

 

Share This:

Sponsored Links