Uncategorized

‘Chengetedzai nharaunda’

08 Mar, 2019 - 17:03 0 Views
‘Chengetedzai nharaunda’ First Lady Amai Mnangagwa vachirumbidza Lora Mukawuri achitaipa pakombiyuta achishandisa muromo wake apo Cde Mupfumira nemukuru wechikoro cheKing George VI, Muzvare Perseverance Hadebe, vainge vakatarisa pakuparurwa kwechirongwa cheIntergrated Schools Project pachikoro ichi, kuBulawayo svondo rapera. — Mufananidzo naJohn Manzongo

Kwayedza

Elita Chikwati ari kuBULAWAYO
MUDZIMAI wemutungamiri wenyika First Lady Amai Mnangagwa – avo vanova patron wezvenharaunda (environment) – neChishanu chadarika vakaparura chirongwa chekukurudzira kuchengetedzwa kwenharaunda muzvikoro ,cheIntergrated Environmental Schools Project pachikoro cheKing George VI School chiri kuBulawayo.

Chirongwa ichi chakanangana nekuti vagari vemunharaunda dzakasiyana vawane masimba ezveupfumi kuburikidza nekushandisa zvakavapoteredza.

Pachiitiko ichi, First Lady Amai Mnangagwa vainge vakakutwa negurukota reHurumende rinomiririra Bulawayo, Cde Judith Ncube nerebazi rinoona nezvenharaunda nekushanyirwa, Cde Prisca Mupfumira.

Vakamema zvimwe zvezvirongwa zviri kuitwa pachikoro ichi, zvinosanganisira chekuchengetedzwa kwemarara zvakanaka icho chiri kutungamirirwa nesangano reEnvironmental Management Agency, vakanoonawo computer laboratory uko vana vanorarama nehurema vaitaipa nekombiyuta vachishandisa zvakadai semuromo. Vakamemawo chirongwa chekuchengeta hove chiri kutsigirwa neZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority.

Amai Mnangagwa vakawana mukana wekudyara miti pachikoro ichi pamwe nekuisa hove diki mufish pond repo.

“Chirongwa ichi chinobatanidza nyaya dzemvura nemamiriro ekunze mukugadzirisa zvimhingamipinyi zvinenge zvichisangana nenharaunda nechinangwa chekusimudzira kushandiswa kwenharaunda nemazvo muzvikamu zvose zveupenyu.

“Zimbabwe inhengo yezvibvumirano zvakawanda zvepasi rose zvakananga kugadzirisa matambudziko akatarisana nenharaunda,” vanodaro.

Amai Mnangagwa vanoti nharaunda dzakakosha mukuvandudza upfumi hwenyika.

Vanorumbidza bazi rinoona nezvenharaunda nekushanyirwa kwenyika nekufambisa kwariri kuita basa uye nekushanda sechikwata.

“Maitiro akadai anobatsira mukuona kuti pave nemvura yakachena yekushandisa, chikafu chinokwanirana nenharaunda yakachena,” vanodaro Amai Mnangagwa.

Vanoti nharaunda yakachena haifanire kubatsira chete pakuti vana vadzidzire munzvimbo dzakatsvinda, asi kuti zvikoro nevanhu vemunharaunda vanofanira kuwana chouviri kubva kwairi.

Amai Mnangagwa vanoti vanofara zvikuru kuti sirabhasi itsva ine zvidzidzo zvine chekuita nekuchengetedzwa kwenharaunda.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Cde Mupfumira vanoti zvakakosha zvikuru kuve nenharaunda inocherechedza nyaya dzeutano hwakanaka.

 

Share This:

Sponsored Links