Uncategorized

Chenjererai ‘third wave’: President

31 Mar, 2021 - 17:03 0 Views
Chenjererai ‘third wave’: President President Mnangagwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

MUTUNGAMIRI wenyika President Mnangagwa vanoti zvakakosha kusimbaradza matanho ekudzivirira kunyuka kwechirwere cheCovid-19 kechitatu (third wave) sezviri kuitika kune dzimwe nyika.

Vachitaura mumashoko avo pamusoro pekudzivirira kupararira kwedenda iri pazororo rePasika, President Mnangagwa vanoti pane mukana mukuru wekuti chirwere ichi chinogona kupararira zvakanyanya panguva iyi.

Zororo rePasika richatanga nemusi weChishanu svondo rino uye richipera neMuvhuro unotevera.
“Kuchengetedza nyika yedu, tinofanirwa kusimbaradza matanho ekudzivirira kunyuka kwechirwere ichi ketatu sezviri kuitika kune dzimwe nyika,” vanodaro.
President Mnangagwa vanoti panogona kuve nekufamba-famba kwevanhu kwakanyanya munyika muno nevanobva kunze panguva yezororo rePasika izvo zvine njodzi huru yekukonzera kutapurirana Covid-19.

Vanoti Hurumende iri kutora matanho akasiyana nedonzvo rekusimbaradza kurwiswa kwedenda iri ayo anosanganisira kukurudzira veruzhinji kuti vasafambe-fambe.

Vanhu vari kubva kunze kwenyika vanofanirwa kuratidza magwaro ane humbowo hwekuti vakavhenekwa chirwere cheCovid-19 mukati memaawa 48 vasati vasvika pamuganhu wenyika.

Vanenge vasina magwaro aya vanombochengetwa kunzvimbo dzavo voga kwemazuva gumi uye vachizvibhadharira mari yezvose zvinodiwa kunzvimbo yavanenge vachichengetwa.

Mabhawa nedzimwe nzvimbo dzekutandarira zvicharamba zvakavharwa panguva yezororo iri.

“Makungano ose anosanganisira emachechi, ndufu nemichato vanhu vanotenderwa kuvepo havafanirwe kudarika 50.

“Kupfekwa kwemamasiki nekusaita chitsoko-tsoko zvichange zvichionekwa kuti zvatevedzwa zvizere,” vanodaro President Mnangagwa.
Vadzidzi vekumabhodhingi havasi kutenderwa kudzokera kudzimba dzevabereki vavo, zvimwe chete nevabereki havafanirwe kuenda kuzvikoro zvinofunda vana vavo kunovaona.

President Mnangagwa vanokurudzira vanhu vari munharaunda dzakasiyana kuti vanobaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19.

“Vanhu vanokurudzirwa kuti vaende kunzvimbo dziri munharaunda dzavo kunobaiwa majekiseni kuitira kuti nyika yedu ive yakadzivirirwa kubva kudenda iri,” vanodaro.

Majekiseni aya ari kubaiwa pachena kune vanoda.

President Mnangagwa vanoti vashanyi vanobva kunze kwenyika vanoda kubaiwa majekiseni aya muno vanokwanisa kubaiwa asi vachizvibhadharira mari dzacho.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 36 858 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 34 636 vakatopona asi vamwe 1 521 vakafa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>