Chevrons, West Indies zvotatsurana

26 Jan, 2023 - 11:01 0 Views
Chevrons, West Indies zvotatsurana MaChevrons

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chamirira kuuya kweWest Indies iyo yaichasangana nayo mumitambo miviri yeTest Match kutanga svondo rinotevera.

Mitambo miviri iyi yose ichatambirwa kunhandare yeQueens Sports Club kuBulawayo kutanga nemusi wa4 Kukadzi uye ichizotarisirwa kuzopera nemusi wa16 Kukadzi.

MaChevrons svondo radarika akabandana neIreland mumitambo yeTwenty20 International Series iyo akahwina neweOne Day International (ODI) uyo wakazopera ari mangange.

Mutambo weODI wakaita mangange sezvo wakazokundikana kupera apo kwakanaya mvura nemusi weMuvhuro.

Mumutambo wekutanga, maChevrons akakukanda Ireland, kuchiti wechipiri ukazohwinwa neIreland.

MaChevrons haasi kuzowana nguva yekuzorora nekuti mumazuva anotevera ari kutarisirwa kuenda kuBulawayo kunosimbaradza gadziriro dzawo dzemutambo weTest Match uyo akapedzisira kutamba mugore ra2021 apo akasangana neBangladesh.

West Indies

Kuchiti West Indies, inove chimwe chezvikwata zvikuru mumutambo wecricket pasi rese, yakapedzisira kutamba nayo Test Match Series mugore ra2017.

Director of cricket kuZimbabwe Cricket — Hamilton Masakadza — anoti nguva yareba chikwata chavo chisati chambotamba mitambo yeTest Match.

“Tine mufaro mukuru nekuuya kuchaita West Indies iyo tichatamba nayo mumitambo miviri yeTest Match.

“Kunyangwe hazvo nguva yange yareba tisina kumbotamba Test Match, vakomana vedu vachange vaine hukasha vakagadzirira kutamba mitambo iyi,” anodaro Masakadza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>