Uncategorized

Chidhakwa chine degree

01 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

MAIKORO aive chidhakwa chine degree rekunwa doro. Degree rekunwa doro nekudhakwa zvekudhakwa zviya. Aiita zvekushambira mariri, achirikwekweta zvedi. Mukadzi airova. Vana akanga asina hanya navo. Dzimwe nguva aiti akabuda kuenda kubhawa musi weChishanu apedza basa, aizoenda kumba ave kutobva kubasa nemusi weMuvhuro. Hama dzake dzakambozama zvakanyanya kuti aregedze doro, asi Maikoro akanga asisagone kurarama asina doro. Aigara achifunga doro.

Mukanwa make makanga musisade zvimwe zvekudya zvisiri doro. Akarara hope dzake dzakanga dziri dzedoro. Airota achigeza neshawa dzedoro, kana kuti achiwacha hembe murwizi rwedoro. Asi rimwe zuva, Maikoro akarota Mwari vachimuparidzira shoko ravo.

Maikoro akamuka akaseka kuti hope dzinomushura. Akabva aenda kunohushapira chaizvo kuitira kuti kana mukati make muine zvaMwari zvakanga zvichida kugaramo, zviyeredzwe nemafashamu edoro, zvigonorasirwa kure kure naye. Adhakwa zvekusara areruka kunge bepa, akapepereka kuenda kumba. Akasvika achibva arara, asi achingorara chete, Mwari vakabva vatanga kumupinza chechi zvakare. Akarota achiverenga Bhaibheri. Apedza kuverenga Bhaibheri, Mwari vakatanga kumuudza kuti aparidzire vanhu.

Asi Maikoro akashamisika kuti Mwari vakanga vasiri kumbomupopotera, kumusvotesa kana kumutuka nekuda kwekuti chidhakwa. Vaiita sekuti havazive kuti chidhakwa chemandorokwati. Chavo kwakanga kuri kungotaura naye zvakanaka uye zvakapfava.

Izvi zvakashatirisa Maikoro kwazvo, kuti sei akanga asiri kupomerwa mhosva yekuve chidhakwa kana kushaya rudo nehan’ya nemukadzi nevana vake. Maikoro akapepuka achinetseka. Akatora Bhaibheri remukadzi wake akadhakwa kudaro, ndokuvhura mavhesi aakanga achiudzwa naMwari. Akanzwa kutya paakaaverenga. Asi akabva avhara Bhaibheri akabva abuda kuenda kubhawa husiku ihwohwo. Akanonwa kusvika kunze kwayedza. Akabuda mubhawa ave kumhanyira kumba kunogeza kuti aende kubasa.

Paakasvika kumba, akawana Bhaibheri riye raakanga amboverenga rakavhurwa papeji ine vhesi raakanga anzwa Mwari vachimuverengesa. Maikoro akarohwa nehana, kana nedoro rakabuda. Akabva anzwa simba kupera.

Akafona kubasa kuti achanonoka kusvika, achibva arara. Paakanga arara, Mwari vakamushanyira zvakare. Vakatanga kutaura naye nezvekutendeuka.

Kwemwedzi mitatu yakatevera, Mwari vairamba vachitaura nechidhakwa chinonzi Maikoro.
Paakaona kuti Mwari varamba vachimutevera, Maikoro akabva atanga kuverenga Bhaibheri kuti anzwe kuti chii chaizvo chinokunda kudhakwa chaive mariri. Zvishoma nezvishoma, Maikoro akatanga kunzwa Mwari vachimubatsira kunzwisisa kuti vaimuda kuti ave wavo, arege kuva wedoro.

Mwari vakamuudza kuti doro aitova mumwe mwari akanga achinamatwa naMaikoro. Maikoro akatanga kutaurirana naMwari, akati kuna Mwari, “Kana muriko, muchida kuti ndive wenyu, taurai neni uye mundiudze zvekuita.”

Mwari vakabva vambonyarara kutaura naye. Asi iye Maikoro ndiye akanga zvino ave kurota achitaura nevanhu nezvaMwari.
Ukaona chidhakwa chiri mubhawa, kana kuti chakany’ura mudoro kunge chikorobho, ukaona chidhakwa chichihukwekweta zvekusaguta nahwo hwahwa, hazvireve kuti hachifunge. Pfungwa dzinodhakwa, asi kufunga hadzirege kufunga. Kana nehana yechidhakwa inotorovawo mufunge.

Mufunge, zviriko zvidhakwa kunze uko zvisisade doro, asi zviri kushaya kuti zvoregera sei kunwa nekuti kunwa kwacho yatove tsika yazvajaira. Kune vanhu vari kuzviziva kuti vari kufanirwa kurega doro, asi bhawa nedoro rekuverengera, rekufurirwa, rekutya pamwe chete nekusave nechokwadi zviri kuvarambidza kusiya doro. Kufanana nechimwe chidhakwa chakazorega doro mushure mehondo huru naMwari, vazhinji tiri kuda kurega zvatiri zvatinoziva kuti hazvibhadhare, asi tiri kuverengera. Tinoziva kuti Mwari vakatimirira, asi tinoramba tichiverengera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>