Uncategorized

‘Chihera’ achata

05 Nov, 2021 - 13:11 0 Views
‘Chihera’ achata Sinikiwe naReuben

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SINIKIWE “Chihera” Kademaunga — tsvarakadenga yekuChitungwiza uyo akabarwa nehurema hwekushaya maoko nemakumbo, asi ndokuzvisimudzira — akachata nechibayamoyo chake, Reuben Zhiva uyo asingararame nehurema.

Kubatanidzwa kwevaviri ava musvitsa tsvene kwakafadza vakawanda, kunyanya vaverengi veKwayedza iyo yaiburitsa muchato wakaitirwa muHarare uye panguva yawaiitwa.

Veruzhinji — kusanganisira vanorarama nehurema — vakatsigira muchato waSinikiwe naRueben apo vaipa mashoko ekurudziro muKwayedza payaiuburitsa.

Achinyora padandemudande reKwayedza reFacebook, Mamoyo Mutandwa anoti, “Uyu ndiye murume akanyorwa mubible, ane rudo rwechokwadi. Makorokoto, Mwari varambe vachikuitirai zvakanaka. Ndaona maita mufaro usina akamboona.”
Blessing Tarapa anotiwo, “Mwari varambe vachiropafadza.”

Zezvo Sinikiwe asina zvanza, ringi remuchato akaita rekupfekedzwa muhuro.
Achitaura mumashoko ake echitsidzo kuna Rueben, Sinikiwe anoti, “Rueben ndinonzwa kufara zvikuru nerudo rwaunondipa, wakakwanisa kuzadzikisa chivimbiso chako apo wakati ucharamba wakamira neni muna zvose uye muchato wawakavimbisa wauzadzikisa nhasi uno. Wakandida sezvandiri, ndikaramba dzichidzidza nezvako kwemakore mana ese kubvira pawakandipfimba ndikaona kuti uri munhu amire pachokwadi. Ndinoti, nhasi chasungwa panyika chasungwa zvekare nekudenga, zvese izvi tiri kuzviita mumaoko nesimba raMwari musiki.”

Sinikiwe akataura mashoko aya achisvimha misodzi nemufaro izvo zvakaonawo chaunga chaivepo chava kuti misodzi mokoto-mokoto mushure mekubatwa-batwa pamwoyo nemashoko ake. Zhiva akatsidzawo zvekare kuti acharamba akamira nemhiko dzewanano.
“Sinikiwe, ndinokutora kuti uve mudzimai wangu asi ndinoda kureurura nhasi kuti ndakakukanganisira zvikuru apo ndakakunyepera kuti ndiri munhu asingagoni kutaura. Asi, idzi dzakanga dziri nzira dzekuti ndibe mwoyo wako uyo wainge watora wangu. Ndinokuda zvikuru sezvauri.

Pandakakura kusvika makore 18 ekuberekwa, ndiri munhu aingofarira vasikana vakapfupika zvakanyanya (dwarf). Saka ndakatombopedza nguva ndichiteverera mumwe akadaro asi zvakashaya basa, nyambisirwa iwe ndiwe wandainge ndakamirira.

Kune imwe shamwari yangu asingaoni anova akauya nenharembozha yake munova mandakaona nhamba dzako ndikatanga kukutsvaka. Saka uku kwaiva kuda kwaMwari kuti tisanganiswe,” anodaro Zhiva.
Vabereki vaSinikiwe nevekumurume wake vakapawo zvipo zvikuru zvemidziyo yemumba yakadai semafiriji, zvitofu, mari nehumwe humwanda-mwanda uye vakaratidza kufadzwa zvikuru nesvitsa tsvene yakapinda vaviri ava.

Vamwe vakaremara mitezo vakapembedza zvekare muchato uyu. Chidochashe Muchekwa anova muimbi zvekare anoti anofara zvikuru nemuchato uyu sezvo uchabatsira kubvisa nyaya dzerusarura kuvanhu vakaremara.

“Kune vanhu vakawanda vanofunga kuti kana munhu akaremara haafaniri kuroorwa, kufara kana kuita zvimwe zvinhu zvinoitwa nevanhu vasina kuremara. Chiitiko chanhasi chadzima rusarura rwese urwu,” anodaro.

Winnet Munyaka anova musikana mupfupi zvakanyaya anotsinhira mashoko aya achiti Sinikiwe ndisahwira wake uye anotarisira kuti rusarura rwuchaderera kuburikidza nemuchato uyu.
Pastor Zoro Magombedza vanoti kubata kwaMwari kunoshamisa uye vanhu vanofanira kusiyana nekudzikisira vakaremara nekuti vanhu vese vakasikwa nemufananidzo waMwari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>