Uncategorized

Chihera oratidza mudiwa wake

13 Aug, 2021 - 13:08 0 Views
Chihera oratidza mudiwa wake

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wechidiki, uyo akabarwa akaremara mitezo yemuviri uye ari mupfupi zvakanyanya uye asina mabvi nemaoko azere – Sinikiwe “Chihera Special” Kademaunga (27) – anoti ari kufara zvikuru nemurume wake.

Svondo rino Chihera Special akaburitsa mifananidzo yake aine chibayamoyo chake pamasaisai eFacebook nepaInstagram.
Sinikiwe nguva pfupi yadarika akaudza Kwayedza kuti akaroorwa uye akamirira kunotamba chiroora kuhama dzemurume setsika yechivanhu.
Pamifananidzo iri pamasaisai iyi, Sinikiwe nemurume wake vari kuratidza kuti vakaita kuputirwa nerudo zvakanyanya apo pamwe pacho anoonekwa achisimudzwa achigadzikwa padombo.

Mushure mekuona mifananidzo iyi, Kwayedza yakachaira mudzimai uyu nhare iye ndokutsinhira kuti waainaye pamifananidzo iyi ndiye murume wake.
“Ichokwadi, ndiye murume wangu wamaona iyeye. Asi handisati ndava kutaura zvakawanda pamusoro pake. Regai ndizotaura zvizere kana ndichinge ndapihwa mvumo nababa (kureva murume wake),” anodaro.

Anoti zvakare haasati hake ave kukwanisa kudura zita remudiwa wake kuruzhinji asi vatova kugara vose kuManyame Park, kuChitungwiza.
Asati aroorwa, Sinikiwe, uyo anova nherera, akanga achigara nehanzvadzi yake kuZengeza, ikoko kuChitungwiza.
Munguva pfupi yadarika, Sinikiwe akambotumira mifananidzo yake pamasaisai mamwe chete aya aine pamuviri zvisinei haana kuzosununguka kutaura zvizere nezvapo.

Sinikiwe mudzimai akaremara asi anoratidza kuti kuremara handi kukundikana kuita mamwe mabasa muupenyu.
“Chinoita kuti vanhu vanzi vakaremara inyaya yekushaya midziyo, zvivakwa nezvimwe zvekushandisa izvo zvinoita kuti vakwanise kunge vachizvimiririra muupenyu. Handifare zvekare kuti vanhu vatore vakaremara sevarombo kana kuti sevanhu vakangomirira kunzwirwa tsitsi, asi kuti ndinoda kuti vatsigirwe mukuwana mabasa nezvimwe zvinoita kuti vakwanise kuzviriritira pane kuti vangotorwa sevapemhi,” anodaro.
Sinikiwe anoti wanano inhava izere zvose, kufara nekusuwa, saka inoda munhu akashinga uye akazvipira kuti iendeke.

Mudzimai akafunda uye inyanzvi mukutaura mashoko anokurudzira nyaya dzebudiriro muupenyu hwevanhu, zvikuru kune vaye vanenge vava kushaya tariro neupenyu pamusaka pekuzvidzikisira kana kudzikisirwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana (motivational speaker).
Sinikiwe akaita fundo yake paSt Faith Mission iri kwaRusape uko akapasa zvidzidzo zvisere paFomu 4 zvinosanganisira maA matatu, maB mana neC rimwe chete.

Akaita zvekare A-Level pachikoro chimwe chete apo akabuda nemapoinzi 10.

Akaenderera mberi nedzidzo akanoita zvidzidzo zveSocial Work paUniversity of Cape Town, kuSouth Africa, uye akahwinha mibairo gumi nefararira pazvirongwa zvekutaura mashoko ekurudziro kune veruzhinji.

Mumwe wemibairo yaakahwinha ndeweCourage Award Zimbabwe International Women’s Award uyo wakabva kunyika yeUnited Kindom.
Sinikiwe anofarira zvekare nyaya dzemicheno uye anoita mabasa akawanda sekubika, kuzvishambidza, kunyora, kushandisa nharembozha nezvimwe izvo vazhinji vanofunga kuti haakwanise zvichitevera kuremara kwaakaita maoko ayo asina zvanza kana magokora.

Share This:

Sponsored Links