Chii chakadaro . . .? Baba vakapondwa, nhasi mwana (5) afawo nekupondwa

12 Dec, 2023 - 17:12 0 Views
Chii chakadaro . . .?  Baba vakapondwa, nhasi mwana (5) afawo nekupondwa Emmanuel Tinashe Mauka

Kwayedza

 Muchaneta Chimuka

MUSHA weMufakose, muHarare, wakaputirwa nezviso zvekusuwa apo mwana mukomana weko wemakore mashanu ekuberekwa, Emmanuel Tinenyasha Mauka, – wekupondwa nechikomba chaamai vake svondo rapera – akavigwa kumarinda eMbudzi Cemetry neMugovera wadarika.

Mwana uyu anonzi akapondwa naThomas Nyamhunga (51) anova chikomba chaamai vake vanonzi Needmore Mauka.

Thomas Nyamhunga

Baba vemwana uyu, Blessed Julius, vanonzi vakafawo nekupondwa kuMazowe, kudunhu reMashonaland Central, uko vaiita basa rechikorokoza.

Andile Tawananyasha Mauka – anova mukoma waEmmanuel, uyo akapunyuka rufu mushure mekuchekwawo nebanga pahuro naNyamhunga – akawanawo mukana wekunoviga munin’ina wake mushure mekubuda muchipatara.

Hanzvadzi yake ndiyo yakapunyuka ikatiza isati yakuvadzwa pachiitiko chinohakadzisa nekutyisa ichi.

Mubvunzo woti; “Mwana anofanirwa kufira kutadza kwaamai kana baba vake here?”

Nyamhunga, uyo aishanda kuna imwe kambani inotengesa nyama, akatosungwa nekuda kwemhosva mbiri dzaari kupomerwa dzinoti yekuponda nekuedza kuponda.

Needmore Mauka ari pakati

Emmanuel akaponderwa pamba paaigara naamai vake apo Nyamhunga akasvika Mauka asipo achinzi ainge aenda kuMhondoro-Ngezi kunotsigira chikwata chake chenhabvu cheDynamos icho chaitamba neNgezi Platinum Stars mumutambo weChibuku Super Cup final.

Veruzhinji vakatenda kambani yeStone River Funeral Services iyo yakabatsira parufu urwu nezvinhu zvinosanganisra bhokisi, chikafu nemotokari yakatakura chitunha.

VaTawanda Pilime

VaTawanda Pilime, vanova principal officer kukambani iyi, vanoti hakasi kekutanga vachidzorera kunharaunda idzo vanodyidzana nadzo.

“Takanzwa nezverufu rwemwana uyu rwunorwadza tikaona zvakakodzera kuti titsigire nekuti rwakaitika mhuri iyi isina kana tarisiro yemashura akadai. Vabereki vake vazongotenga guva kukanzuru bedzi. Hakasi kekutanga tichibatsirana nemhuri dzakasiyana pachena, tine nyaya yemwana akaurayirwa US$2 tikabatsira zvekare saka ino yatova nyaya yechishanu.

“Zvinorwadza kuradzika pwere dzakadai nenzira idzi nekuti ndivo vatinenge tichitarisira kuti vakatakura remangwana renyika,” vanodaro.

Mudzimai waNyamhunga – Virginia Denhere – anoti kusavimbika kwemurume wake muwanano yavo kwakasvika pakuti afuratire mhuri yake.

Mai Ethel Gandazha vanove ambuya vaEmmanuel vanoti vanorwadziwa nekupondwa kwakaitwa muzukuru wavo pamwe nekukuvadzwa kwemumwe wacho.

“Mwana wangu akafa achipondwa kuMazowe uko aiita zvechikorokoza kumigodhi, nhasi uno mwana wake afa achichekwa nebanga nechikomba chaamai vake uye mumwe akatopunyuka nekutiza. Tarwadziwa zvikuru.

“Kubva kushaya kwaita mwana wangu Blessed Julius, vana vaingouya kumusha apo neapo asi vaisatenderwa kutakura chikafu chataivapa. Vana vakapihwa senemu yaamai vavo nekuti wedu mwana aisava nechitupa kana magwaro ekuzvarwa uye paivawo nekusawirirana mumhuri,” vanodaro.

VaLawrence Makhomeya vanove mukuru wepachikoro cheGwinyiro Primary School chiri kuMufakose, apo paifunda Emmanuel nevamwe vemumhuri yake, vanoti varwadziwa nekurasikirwa nemudzidzi uyu nenzira yakadai uye kukuvadzwa kwemumwe wacho.

Felistas “Amai TT” Murata anotiwo: “Kana iniwo ndakapinzwa mujeri nenhau dzerudo idzodzi, saka tiri panguva yakaoma zvikuru isu ma’single mothers’. Vanhu vazhinji vanotora mikana yekutidzvanyirira murudo nekuti vanoziva kuti tinenge takaomerwa tichitoda varume, saka tinopedzisira tangowira mukanwa memakarwe.

“Tinorohwa, kutukwa kuitwa yose-yose nekuda kwekuti tinoda kunzi mai nhingi. Vemakereke ngavabatsire mukunamata nekupanga vanhu mazano kuti vadzidze kugarisana kwakanaka. Kana ndiri seni, jere rakandifundisa zvakawanda.

“Madzimai siyanaiwo nekudherera varume, kuvarova kana kuvatokonya nekuti vanoitawo shungu dzinogona kuita magumo erufu seizvi, asi hatizvikurudzire,” anodaro Mai TT.

Pretty Sigauke anova muvakidzani waMauka anoti arwadziwa zvakanyanya nerufu rwemwana uyu.

Mashoko ake anotsinhirwa naMbuya Shelter Sibanda avo vanotsinhira vachiti vaiziva Nyamhunga semunhu ane hasha dzakawanda.

Mukoma waNyamhunga, Nyamhunga Senior, anoti vanorwadziwa nengozi yavaparirwa mumusha mavo nemunin’ina wavo asi vanonyevenutswa nekuti mhuri yavakaparira mhosva yakavagashira vakabatana mukuchema nekuviga mwana uyu murunyararo.

Collen Zharare

Collen Zharare, anova hanzvadzi yaNeedmore, anotiwo vakagamuchira zvakaitika zvisinei nekuti inyaya inorwadza.

Plaxedes Thembo anotiwo mhirizhonga mudzimba yakaipa, kunyanya panguva iyo nyika ichangopedza kucherechedza mazuva ekurwisa mhirizhonga e16 Days of Gender Based Violence.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>