Uncategorized

Chikomba chakaita gudo pahotera

08 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Chikomba chakaita gudo pahotera Sandra Mpofu

Kwayedza

Gibson Mhaka ari kuBULAWAYO —
MUCHIITIKO chinotyisa zvikuru, musikana wekuBulawayo anoita zvechipfambi anoti akazobuda muhotera ari chahwiriri uye asina kupfeka mushure mekunge murume ainge amukecha achida kusasana naye kwehusiku hwose asanduka kuita chimhuka chinenge gudo panguva yavainge vava mushishi kupanana rudo.

Nyaya inoita kunge bhaisikopu iyi inonzi yakaitika nomusi wa19 Nyamavhuvhu pane imwe hotera (zita tinaro) iri muguta iri.

Achitsanangura ndondo yaakaona, apo aisvimha misodzi — musikana anongoda kuzivikanwa saSandra Mpofu uyu — anoti akasangana nemumwe murume apo aibva kuzvitoro kunotenga chingwa.

Mpofu, uyo anogara mumafurati ari muguta reBulawayo, anoti ainge ati kumurume uyu vaende vose kumba kwake kunosasana husiku hwose iye ozobhadharwa $30.

Asi murume uyu anonzi akaramba achiti aida kuti vaende kuhotera, uko aigara.

“Nguva dzaive kuma7 manheru apo ndaibva kuzvitoro pandakasangana nemurume uyu pedyo nekwandinogara. Paakachema-chema, ndakamudzikisira kusvika pa$30 ndichibva ndafonera tekisi inova yakatiendesa kuhotera. Ndakatombopindwa nekutya paakabvuma $30 nekuti mamwe makasitoma anotombonditemesa musoro pandinotaura mari dzakadai. Asi iye haana kana kumboramba,” anodaro Mpofu.

Pavakasvika kuhotera kuya, murume uyu anonzi akatanga kubata-bata Mpofu apo vakanga vari munzira kupinda muimba yavaizorara.

“Patakapinda muhotera, akabva abvisa mbatya dzake kwava kutanga kunditsvoda. Akazoenda kuchimbuzi achindisiya ndirere pamubhedha ndisina kunyatsopfeka. Paakadzoka, akatangazve kundibata-bata muviri wose.

“Nyama dzangu dzadavirira, ndipo pandakashamisika kuona kuti munhu akange ave kusanduka kuita chimhuka chakafanana negudo, chine mamvere muviri wose. Ndakasvetuka ndichibva pamubhedha ndokumhanya ndichiridza mhere kuti ndiwane vanondibatsira,” anodaro Mpofu achiyerera misodzi pamatama.

Anoti akabuda muhotera umu asi murume uya akazomuona amutevera panze apo iye aitsanangurira mupurisa wepahotera zvainge zvaitika. Chakashamisa ndechekuti panguva iyi murume uya ainge asisiri chimhuka — ava munhu chaiye.

“Paakauya pandakanga ndiri, ndaiva mushishi kutsanangurira mupurisa wepahotera zvakange zvaitika, murume uyu achibva atanga kundipopotera achiti anoda kudzorerwa mari yake. Ndakabva ndamudzorera $30 yake.

“Pandainge ndamirira tekisi kuti ndiende kumba, pakasvika mapurisa maviri eZimbabwe Republic Police ayo aive pabasa manheru ndichibva ndavaudza zvakange zvaitika. Havana kuzvibvuma ndokuenda navo muhotera umo makanga maitikira mashiripiti aya. Takashamisika kuona musina kukiiwa asi murume uyu ainge asimo, mangosara bhachi rake irowo rakangonyangarika mapurisa neni tirimo zvikatityisa tose,” anodaro achidedera.

Anoenderera mberi: “Ndiri kudemba danho randakatora rekuita zvechipfambi. Pafungei kuti ndiye kasitoma yandakapedzisira kupinda nayo mubasa iri nekuti kubvira zuva iri, ndakangotanga kutevera zvisina magumo. Ndange ndisati ndambosangana nezvakadai, apo ndinoshandisa nzira yekurera mhuri yemhando yeDepo-Provera kwemakore maviri adarika.”

Mpofu anotiwo kubvira musi uyu, basa rake harizi kufamba zvakanaka sezvo varume vose vaari kusangana navo vachipedzisira vave nematambudziko ane chekuita nebonde.

“Sezvinonzi izvi zvishoma, pose pandinowana murume wekuda kusasana naye, sikarudzi yake haitirimuke uye anogumisira ava kuchema nemarwadzo emudumbu. Ndakambozama kutsvaga rubatsiro kumaporofita avo vakandiudza kuti murume wekusanduka uyu aida kundishandisa pamishonga yake,” anodaro Mhofu. Mpofu, uyo ave kuita zviri nani mushure mekubatsirwa nemumwe muporofita, anoti ave kusiya mabasa echipfambi.

Zvakadai, Kwayedza yakakundikana kutaura nemupurisa wepahotera iyi sezvo akati haatenderwi kuita hurukuro nevatori venhau. — B-Metro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>