Chikoro chapihwa mazai 6 000

11 Oct, 2021 - 16:10 0 Views
Chikoro chapihwa mazai 6 000

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI ine mukurumbira mubasa rehuku nemazai, yeIrvine’s yakapa rubatsiro rwemazai 6 000 kuchikoro cheDerbyshire Primary School icho chiri kuWaterfalls, muHarare nemusi weChishanu wadarika senzira yekucherechedza zuva rekukosha kwemazai, reWorld Egg Day.

World Egg Day izuva rinocherechedzwa pasi rose nemusi weChishanu chesvondo rechipiri remwedzi waGumiguru gore negore uye rakaiswa padivi nechinangwa chekucherechedza kukosha kwemazai muraramo yeveruzhinji.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaAnele Zunga vanova commercial director weIrvine’s vanoti mazai akakosha zvikuru muupenyu sezvo achibatsira mukuvakwa kweutano hwemuviri.

“Hurongwa hwekuti zuva reWorld Egg Day ringe richicherechedzwa hwakavapo mugore ra1996 mushure memusangano wakaitwa kuVeinna, kuAustria apo vemabhizimisi akasiyana vakagara pasi vakaona zvakakodzera kuti zuva iri rikosheswe. Mumakore adarika, taiwanza kucherechedza zuva iri tiri mumisha inochengetwa vana neinochengetwa vakwegura nevamwe vanhu vari munharaunda avo vanotambura,” vanodaro.

VaZunga vanoenderera mberi vachiti, “Senzira yekucherechedza kusvitsa makore 25, tiri kupa mazai 6 000 kuvana vechikoro pamwe nevashandi vepaDerbyshire Primary School. Mazai akakosha zvikuru kuutano hwevanhu, kunyanya kune vechidiki mukukura kwavo sezvo achipa mapuroteni uye anobatsira kudzinga zvirwere zvinokanganisa nyaya dzekuona kwakanaka kwemaziso, kwashi nezvimwe”.

Vanoti mwana mumwe nemumwe wepachikoro apa achawana mazai gumi nemaviri ekuti anodya nemhuri yake.

Gore rino mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindira rinoti: “Idya mazai ako zuva nezuva” senzira yekukurudzira veruzhinji kuti vasimbaradze nyaya dzeutano hwavo kuburikidza nekudya kunovaka muviri.

“Mazai akakosha zvikuru nekuti anopa utano kuvanasikana vachiri kuyaruka, madzimai akazvitakura nevanoyamwisa, vakwegura nepwere pamwe nevanorwara. Pasvondo roga-roga, tinobudisa mazai anodarika 4,8 miriyoni saka zuva reWorld Egg Day rinotitondedza kukosha kwemazai nekudaro tichaedza zvose kuti tione kuti nyika yawaniswa mazai akaringana,” vanodaro.

VaHenry Mutisi vanova District Schools Inspector (DSI) kuHigh Glen District vanoti vanofara zvikuru nerutsigiro rwemazai rwakapihwa kuvana vemudunhu mavo rwunova rwuchabatsira mukusimudzira utano hwavo uye dzidzo.

“Kuti mwana afunde zvakanaka hunge akaguta uye aine utano, saka tinofara zvikuru nerudo rwavo. Tafara zvekare kuona kuti pachikoro pano pane chengetedzo yakasimba maringe nekurwisa chirwere cheCovid-19 sezvo motokari uye vanhu vachifiritwa vasati vapinda muchivanze chechikoro.

“Tavhenekwa kudziya kwemuviri uye kugezeswa maoko nemasanitizer kureva kuti chengetedzo yeutano hwevana uye varairidzi nevashanyi inokosheswa. Tiri kutarisira kuti zvikoro zvose zvinge zvichiita zvimwe chetezvo,” vanodaro.

Gore rapera, kambani yeIrvine’s yakapa mazai 3 000 uye 100 kgs yenyama kumusha unochengeta nherera weKudakwashe Children’s Home uri kuChitungwiza.

Mukuru wechikoro cheDerbyshire Primary School, Mai Nyaradzai Chiwanza ndivo vakatambidzwa mazai aya.

Share This:

Sponsored Links