Uncategorized

Chikoro chitsva chobatsira

04 May, 2021 - 17:05 0 Views
Chikoro chitsva chobatsira Kanzura Ruzayi vari paimwe imba yevadzidzisi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHIKORO chitsva chinobvira padanho reEarly Childhood Development (ECD) kusvika sekondari icho chakavakwa kupurazi reSam Levy, kuZvimba East, chobatsira panyaya yekuti vana vasafunde vakaita chitsokotsoko mudunhu iri izvo zvakakosha panguva ino yechirwere cheCovid-19.
Afro-Bank Primary neSecondary Extension chikoro chiri pasi pezvikoro zveAfro-Bank Group of Schools uye vadzidzi vanosvika 400 veECD kusvika Fomu 4 vakatanga kufundapo svondo rapera.

Chikoro ichi chakavambwa nakanzura weWard 25 kuZvimba East, Kanzura Ernest Ruzayi (45), vachibatsirana nekanzuru yeko pamwe chete Hurumende.

“Sezvo kunzvimbo yedu ino zvikoro zvichiri zvishoma pavana vari kuno, ini ndakataurirana nekanzuru yedu yeZvimba neHurumende kuti tibatsire vana vasaite chitsokotsoko muzvikoro zvishoma zvatinazvo. Takawirirana kuti tivambe chikoro cheAfro-Bank Primary nesekondari ndokutora vamwe vana vaienda kune zvimwe zvikoro zviri kure avo vave kudzidza pachikoro ichi nevamwewo vaitotadza kuenda kuchikoro vashaya nzvimbo,” vanodaro Kanzura Ruzayi.

Vanoti chikoro ichi vakachitanga vachishandisa dzimba dzaive madhirihora idzo vakavandudza nekuisa marata matsva nezvimwe zvaidiwa.
“Ndaona kuti madhirihora aishandiswa munzvimbo iyi yaiva purazi remuchena uye hapachina basa iro ari kuitiswa asi kuti ari kutoparadzwa, ndakazovhura chikoro ichi. Tine hurongwa hwekuzoita chikoro ichi bhodhingi nekufamba kwenguva,” vanodaro Kanzura Ruzayi.

Vanoti nekuoma kwakaita upenyu panguva ino yeCovid-19, vamwe vabereki vakaomerwa zvekutadza kuwana mari yekubhadharira vana chikoro, nekudaro vari kuvapa mukana wekuti vauye kuzoshandira pachikoro kuti vana vakwanise kuenderera mberi nedzidzo.

Vanotizve vadzidzi, maticha nevamwe vashandi vepachikoro vanokoshesa nyaya dzekudzivirira Covid-19 kuburikidza nekutevedzera matanho akatarwa neHurumende.

“Mamasiki tinotengera vana vose, izvozvi tiri mubishi kusona akawanda sezvo vamwe tisati tavapa. Vadzidzisi vedu tiri kuvavakira dzimba dzekugara. Mune zvimwe zvikoro vana vanga vachidzidza vakaita chitsokotsoko uko takabvisa vamwe vachiuya kuno uye zvikoro izvi zvinosanganisira Rasper Primary, Royden Secondary, Matilda Primary, Sunside Seventh Day Adventist Primary, Sunside Secondary neUmuzururu Primary.”

Kanzura Ruzayi vanoenderera mberi vachiti, “Vana muno vanga vachifamba makiromita anodarika gumi nemashanu kusvika makumi maviri kuenda kuchikoro.”

Share This:

Sponsored Links