Chikwata chakasimba: Mapeza

07 Oct, 2021 - 11:10 0 Views
Chikwata chakasimba: Mapeza Norman Mapeza

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wemaWarriors — Norman Mapeza — anoti chikwata chake chiri kufanirwa kurwa semvumba musi weMugovera apo chiri kusangana neGhana mumutambo wemuGroup G wekurwira kuenda kumakwikwi eQatar 2022 World Cup gore rinotevera.

MaWarriors anotofanirwa kuhwina mutambo uyu kuti arambe ane mukana wekubudirira kuenda kuQatar sezvo kusvika pari zvino angokwanisa kuwana chibodzwa chimwechete kubva mumitambo miviri yaatamba.

Mumutambo wavo wekutanga, Warriors akaita mangange 0-0 neSouth Africa ndokuzokundwa wechipiri neEthopia unove mutambo uyo wakazoona sangano rinotungamira nhabvu reZifa richidzinga basa Zdravko “Loga” Logarusic aive murairidzi wechikwata ichi.

Zvichitevera kugadzwa kwakaitwa Mapeza kuti atsive Loga, Mapeza anoti chiremerera chikuru chaakapihwa kurairidza nyika yake nekudaro zvakakosha kuti varwe vamire.
Achitaura nemusi weChipiri vasati vasimuka vakananga kuGhana, Mapeza akati zvakakosha kuti vagowana zvibodzwa zvizere kuAccra.

“Munhabvu, nguva dzose tinotambira kuhwina saka tiri kufanira kubata basa sebasa kuGhana nekuti nyika iri kutarisira zvikuru kubva kwatiri.

“Mutambo uyu wakatikoshera saka tichazama nepatinokwanisa kuunza zvibodzwa zvose nekuti tinoziva kuti hapana asingade kuhwina. Isu tinototamba mitambo yedu tichida kuhwina,” anodaro Mapeza.

Apo maWarriors ari kusangana neGhana kuAccra, achange ane vatambi vanotambira kuEngland vanoti Marvelous Nakamba weAston Villa, Jordan Zemura weAFC Bournemouth naTendayi Darikwa weWigan Athletic avo vakambokundikana kuuya kuzotamba mitambo yeSouth Africa neEthopia nekuda kwekuti Zimbabwe yakaiswa muboka rered list renyika dzinonzi dzine vanhu vakawanda vane chirwere cheCovid-19.

Vatambi ava vachangokwanisa kutamba mutambo wekuGhana chete asi havazokwanise kuzouya kuzotamba wemuno uyo uchasangana maWarriors neThe Black Stars svondo rinotevera musi weChipiri.

“Zvinofadza kuti kuGhana tichange tine chikwata chakasimba, tiine vatambi vedu vose saka tinofanira kubata basa sebasa. Mitambo yadarika, tange tichitamba takashota tisina vamwe vatambi vedu, apa tichange tinavo kuGhana uko tinofanirwa kubva nezvibodzwa.

“Mumutambo wekunoku ndiwo vatambi vekuEngland vasiri kutenderwa kuuya, asi zvakangonakawo nekuti iyo Ghana ine vayo vatambi vanotambira kuEngland vachatadzawo kuuya kuno,” anodaro Mapeza.

Apo maWarriors achatatsurana nemaBlack Stars, achange achishuvira kuti mutambo weSouth Africa neEthopia ugopera ari mangange kuitira kuti mukana wavo wekuenda kuQatar urambe uripo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>