Chikwata cheKorfball chotsvaga vakotsveri

06 Feb, 2023 - 08:02 0 Views
Chikwata cheKorfball chotsvaga vakotsveri Chikwata chenyika cheKorfball icho chichanomirira nyika kuChinese Taipei

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika chekorfball chiri kutsvaga vakotsveri vanokwanisa kuchibatsira kubhadhara mari yekuti chizotumira vatambi kumutambo weInternational Korfball Federation World Cup 2023 uyo uchatambirwa kuChinese Taipei munaGumiguru.

Zimbabwe pamwe chete neMorocco ndizvo zvichamirira Africa kumutambo weWorld Cup.

Mutungamiri weZimbabwe Korfball Association pamwe neIFK Africa – Tarirai Chadebah – anoti chikwata chavo chinoda chaizvo kuenda kumutambo uyu asi vanofanirwa kutanga vabhadhara mari yekuve nhengo iyo inodiwa neIKF uye inofanirwa kubhadharwa musi wa26 Kukadzi usati wadarika.

Anoti kana vabhadhara mari iyi ndipo vanotanga kuita gadziriro dzekuzotumira chikwata chavo kuenda kumakwishu aya.

“Kumirira nyika yako kumutambo mukuru wakaita seWorld Cup chinhu chikuru chinofadza chose, saka isu tine mufaro mukuru kuti tiri kunomirira nyika yedu kuChinese Taipei.

“Asi kuti tiende kumutambo uyu, chekutanga tinofanirwa kunge tabhadhara mari yekuve nhengo inova Euro 3300 neyehotera yekuzogara saka kana tabhadhara gadziriro dzedu dzinenge dzave kupinda mugiya dzvuku,” anodaro Chadebah.

Aka kachange kari kekutanga chikwata cheZimbabwe chichienda kumutambo uyu uye yakabudirira kuenda zvichitevera kuhwina kwayakaita kumutambo weIKF African Championships uyo wakatambirwa kuZambia gore radarika izvo zvakabva zvaona ichihwina kuve shasha yemuAfrica.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>