Uncategorized

Chimuka weKwayedza akahwinha

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Chimuka weKwayedza akahwinha Cde Mutsvangwa (kuruboshwe) vachikorokotedza munyori weKwayedza Muchaneta Chimuka uyo akahwinha mibairo miviri ye1st Runner-up kuchikamu cheSmall Grains Sector necheBeef and Dairy Sector neChishanu chadarika apo VaHaritatos (vechipiri kubva kuruboshwe) nemutungamiriri wesangano reZAS, VaNgoni Kudenga, vainge vakatarisa.

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VATORI venhau veZimpapers — vanosanganisira munyori weKwayedza Muchaneta Chimuka — vakahwapura mibairo yekunyora nhau dzezvekurima, yeZimbabwe Agricultural Media Awards, pamabiko akaitwa nemusi weChishanu chadarika kuHarare Agricultural Show Grounds.

Mibairo iyi yakarongwa nesangano reZimbabwe Agricultural Society (ZAS) uye yakaparurwa gore rapera nechinangwa chekukurudzira vatori venhau kuti vanyore zvakadzama pamusoro penyaya dzekurima.

Chimuka akakumba mibairo miviri inoti wekunyora nezvekukosha kwembeu diki (Small Grains Sector) nezvekuchengetwa kwemombe (Beef and Dairy Sector Best Reporter Award) inova mibairo yaakaita 1st Runner-up yose iri miviri.

Vachitaura pagungano iri, gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa, vakatenda vatori venhau nebasa guru ravanoita.

“Ndinofara zvikuru nemabasa amunobata zuva nezuva ekuzivisa vanhu, kuvadzidzisa nekuvatandadza. Asi ndinoda kutaura kunyanya nenyaya dzekudzidzisa varimi zvikuru panguva yakanyuka zvimwe zvirwere izvo zvaiuraya mombe munyika, iro raiva basa renyu rekufundisa vanhu kuti vanowana rubatsiro kupi, kuti vasadye mombe dzinofa dzega nekuparadzwa kwemombe dzinofa dzega.

“Pasina imi, nyika inoshaya ruzivo.

‘‘Chikamu che70 percent chevanhu muZimbabwe vanorarama nekurima uye nyika ino iri kurwira kuzadzikisa zvinangwa zvayo zvegore ra2030 mukusimudzira kurima,” vanodaro Cde Mutsvangwa.

Mutevedzeri wegurukota rezveminda, kurima, nekugariswa kwevanhu, VaVangelis Haritatos, vanoti kuunzwa kwechirongwa chekupa vatori venhau mibairo yezvekurima kwakakosha zvikuru mukusimudzira nyaya dzekurima pamwe neupfumi hwenyika.

“Tinovimba kuti mibairo iyi ichaumba hukama hwakasimba pakati peZAS nevatori venhau pamwe nevamwe vatsigiri vari munyaya dzezvekurima kusanganisira Hurumende,” vanodaro.

Vamwe vatori venhau veZimpapers vakahwinha vanosanganisira Africa Moyo weThe Herald naGarikai Mazara weThe Sunday Mail.

Mutauriri weZimpapers Group, Beatrice Tonhodzayi, anokorokotedza vanyori vose vekambani yake vakahwinha achiti: “Makorokoto makuru kune vose vakawana mibairo. Zvinoratidza kushanda nesimba uye nekutsigira zvirongwa zveHurumende munyaya dzekurima. Izvi ndizvo zvinosimudzira upfumi hwenyika yedu. SeZimpapers, vanyori ava vasimudza mureza wedu.”

Share This:

Sponsored Links