Uncategorized

Chimuka weKwayedza hutu nemubairo

23 Oct, 2019 - 09:10 0 Views
Chimuka weKwayedza hutu nemubairo Muchaneta Chimuka achitambidzwa mubairo wake naVaMichael Chideme (kuruboshwe) vanova mutungamiriri weZUJ.

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MUNYORI weKwayedza Muchaneta Chimuka akahwapura mumwezve mubairo wekugona basa kumakwikwi eNational Journalistic Media Awards (NJAMA 2018-19) ayo akaitwa nemusi weChina chadarika muguta reHarare.

Chimuka akahwinha mubairo wekutanga unoona nezvekuraswa kwemarara nenzira dzinokanganisa nharaunda uye upenyu hwevanhu – Open Defaecation Including Solid Waste Management Journalist of the Year.

Akaenda nemubairo wemari nechitupa izvo zvakatsigirwa nesangano reUnicef.

Chirongwa chemaNJAMA chinorongwa nekutsigirwa nesangano reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ) gore negore.

Munyori mukuru kuZUJ, VaFoster Dongozi, vanoti sangano ravo richaramba richitsigira vatori venhau kuti vaone kuti vari kushanda nenzira dzisina kumbunyikidzwa.

“Ticharamba tichiita mibairo yerudzi urwu tichitenda mabasa anoitwa nevatori venhau nekuti zvinoita kuti vave nemanyuku-nyuku nebasa ravo. Tiri kukurukura neHurumende kuti pave nemitemo yakasimba inochengetedza vatori venhau nekuti tine nyaya dzakawanda idzo vatapi venhau vanorohwa kana kukuvadzwa vari pabasa. Saka tichakuzivisai nezveshanduko yemitemo iyi nekuti Hurumende iri kuzvitambira,” vanodaro.

Chimuka achangobva kuhwinha mimwe mibairo miviri mumakwikwi ezvekurima, eZimbabwe Agriculture Media Awards, ayo akaitwa mwedzi mitatu yadarika.

Share This:

Sponsored Links