Kwayedza
BAZI rinoona nezvekufambisa nekusimudzirwa kwezvivakwa nemusi weMuvhuro svondo rino rakapihwa rubatsiro rwemidziyo yekushandisa munyaya dzeutano inosanganisira mawiricheya, midziyo yeFirst Aid, magirovhosi nezvimwe zvakawanda nekukambani yeChina Machinery Engineering Co-operation (CMEC) yekunyika yeChina.
Vachitaura muguta reHarare pakutambidzwa kwemidziyo iyi, mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Adrain Musiiwa, vakatenda zvikuru rubatsiro urwu vachiti midziyo iyi ichabatsira mukuchengetedza upenyu hweveruzhinji.
Vanoti midziyo iyi yauya panguva yakanaka apo nyika yakatarisana nezvirwere zvisina zviratidzo zvakaita seBP, cheshuga nezvimwe.
“Kana tisina midziyo yerudzi urwu, tine mikana mikuru yekurasikirwa neupenyu saka ichabatsira zvikuru vane zvirwere zvakasiyana zvakadai sezvemwoyo,” vanodaro.
Vachitaurawo pachiitiko ichi, mutungamiriri weCMEC, VaZhang Chun, vanoti rubatsiro urwu rwunoyamura mukusimbisa hukama hwagara huripo pakati peZimbabwe neChina.
“Tinofara zvikuru kuti tinge tichipa rubatsiro urwu rwunova rwunochengetedza upenyu tichisimbisa hukama pakati penyika mbiri idzi.
‘‘Midziyo yatapa ichabatsira zvikuru mukuchengetedza upenyu hwevafambi pavanenge vasvika panguva yenjodzi kana kuti yakaoma. Mimwe midziyo yatapa inobatsira mukupa mweya wekufema panguva iyo munhu anenge afenda nekuita kuti hana irove nenzira kwayo uye kuitawo kuti mweya wekufema (oxygen) unge uchisvika kuuropi nekumoyo,” vanodaro