Chipatara chapihwa michina

20 Oct, 2023 - 00:10 0 Views
Chipatara chapihwa michina Michina yekusimbisa muviri

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI inogadzira zvinwiwa zvinosanganisira doro, yeDelta Coperation yakabatsira chipatara cheSally Mugabe Central Hospital, muHarare, nemichina yekuitisa mitambo inosimbisa muviri (physiotherapy) inokosha US$50 000.

Vachitenda rubatsiro urwu, Dr Christopher Pasi, avo vanova chamangwiza wechipatara ichi, vanoti michina iyi iri kuunza shanduko muupenyu hwevarwere avo vanouya vachitambudzwa nezvirwere zvakasiyana.

Dr Christopher Pasi

“Tinofara zvikuru nerutsigiro rwekambani yeDelta, yakatitengera michina inobatsira varwere vedu kuti vaite mitambo inosimbisa miviri zvichibatsira kuti vakurumidze kunaya. Vamwe vakaita tsaona, kuoma mitezo, kukanganisika tsinga dzemuviri nezvimwe asi kuburikidza nemichina yakasiyana iri muno vanowanikwa vachibatsirikana utano hwavo huchidzokera pekare,” vanodaro.

Mai Patricia Murambinda, vanova general manager – corporate affairs kuDelta Corporation, vanoti rubatsiro urwu ndeimwe yenzira dzavanoshandisa kudzorera kunharaunda dzavanodyidzana nadzo.

“Kuti kambani yedu ifambire mberi, vanhu vari munharaunda vanotitsigira apo vanotenga zvinwiwa zvedu zvemhando dzakasiyana nokudaro tinoona zvakakodzera kuti tidzorere kunharaunda. Nyaya dzeutano tinodzikoshesa zvikuru nekuti dzinobata munhu wese.

Mai Patricia Murambinda

“Michina iyi takaipa kuchipatara chino gore rapera saka apa tauya kuzonzvera budiriro kana kuti shanduko yairi kuunza muutano hwevarwere nokudaro tinofara zvikuru nekuti tanzwa kuti varwere vakawanda vari kubatsirikana,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links