Uncategorized

Chipfukuto chitsva chanetsa

16 Sep, 2016 - 16:09 0 Views
Chipfukuto chitsva chanetsa

Kwayedza

l Chinodya zvirimwa zvose l l l Kana miti chinoparadza
l Chinosiya pasisina goho l Nyanzvi dzatemwa misoro l Chakatangira kuAmerica

CHIPFUKUTO chemhando yeLarger Grain Borer (LGB) chinonzi chanetsa zvikuru pasi rose nekuparadza kwachinoita mhando dzose dzezvirimwa rinova dambudziko riri kushungurudza nyanzvi dzezvekurima.Chipfukuto ichi chakasiyana nezvimwe sezvo chichikwanisa kudya zvinhu zvose kusara kweizvo zvakagadzirwa nesimbi chete.

Nyanzvi dzezvekurima dzinoti chipfukuto ichi chinodya kunyangwe miti uye chinosiya mupfumbwe kana kuti hupfu pose pachinenge chaparadza, mungave mudura kana kuzvirimwa zvinenge zvisati zvakohwewa muminda.

Executive director wesangano rinoona nezvevarimi, reZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakariya, vanoti mhando yechipfukuto ichi inoda kuti varimi vatsvage mishonga chaiyo yekuchengetedza goho kana zvirimwa zvavo sezvo chichiparadza.

“Ino inguva yekupurwa kwezvirimwa varimi vachiisa mumatura zvimwe vachitengesa. Saka tinoti vangwarire, chipfukuto ichi chinoparadza goho zvekusara varimi vasina chinhu,” vanodaro VaZakariya.

Nyanzvi dzinoita ongororo yezvekurima dzinoti chipfukuto ichi chakatangira kuCentral America nekuchamhembe kweUnited States of America uye chakazopararira kusvikawo kuTanzania makore ekuma1970s nekutakurwa kwaiitwa zvirimwa kubva kunyika idzi.

Chasvika muAfrica, chipfukuto cheLGB chinonzi chakazopararira kunyika dzinosanganisa Kenya, Uganda, Burundi, Rwanda, Malawi, Zambia, Mozambique, Namibia, South Africa, Zimbabwe nekuTogo uko chinonzi chakatanga kuonekwa mugore ra1984.

VaJohnson Muzarurwi, vanova senior agronomist uye mupangi wemazano kuvarimi, vanoti chipfukuto cheLGB chine zvimwe zvachakafanana nazvo asi paine musiyano mudiki-diki.

“KuKenya chipfukuto ichi chinodaidzwa kuti Osama, kuTanzania chinonzi Dumuzi kana kuti Scania nekuda kwekudya kwacho zvirimwa, zvikuru chibage, mufarinya nezvimwe zvose.

“Chinoparadza kwenguva diki zvekuti chikapinda mudura kana muzvirimwa kwemwedzi mitatu, hapana chinosara. Munowana mudura hwangova hupfu kana mupfumbwe bedzi,” vanodaro.

VaMuzarurwi vanotiwo chipfukuto ichi chinozivikanwawo nezita rekuti Greater Grain Borer kuburikidza nemaparadziro achinoita. Chinonzi chinokandira mazai 20 eruvara rweyellow mumazuva mashoma akatevedzana.

Chipfukuto cheLGB chinonziwo chine hurefu hunobvira pa3mm kusvika 3,5mm uye chinogona kunge chiine ruvara rwebrown kana rutema.

VaMuzarurwi vanoti mazai ezvipfukuto izvi anowanikwa mukati memupfumbwe wezvirimwa zvinodyiwa umo anochengeteka kusvika achecheny’a mukati memazuva matatu.

“Zvipfukuto zvechikadzi zvinorarama upenyu hwakareba pane zvechirume, asi zvinoberekana zvakanyanya zvikuru,” vanodaro.

VaRichard Dafana, avo vanova managing director wekambani yeZimbabwe Fertilizer Company (ZFC) iyo inogadzira mumwe wemishonga inorwisa chipfukuto ichi, weActellic Gold Dust, vanoti LGB inoparadza zvirimwa zvose kudarika dzimwe mhando dzezvipfukuto dzagara dzichizivikanwa pasi rose.

“Mimwe mishonga iri kuchitadza sezvo chativirira kwairi. Tinokurudzira varimi kuvaka matura chaiwo, voshandisa mushonga uyu nenzira kwayo inokurudzirwa pamwero uye nehuwandu hwezvirimwa. Varimi ngavamwaye mishonga mumatura avo nekutsvaira vasati vaisa zvirimwa,” vanodaro.

Varimi vanokurudzirwa zvakare kuti vapote vachipisa hupfu kana kuti magufu anenge asara panodyiwa zvirimwa izvi nezvipfukuto izvi. Masaga avanozoisa zvirimwa vanogona kutanga vaafashaidza mumvura, voaomesa vozoisa mushonga vasati vaisa zvavanenge vakohwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>