Uncategorized

Chiremba asimudza mureza weZim

26 Oct, 2021 - 16:10 0 Views
Chiremba asimudza  mureza weZim Dr Shopera

Kwayedza

Mashudu Netsianda

CHIZVARWA chemuZimbabwe, Dr Tatenda Shopera, avo vakanyora nhoroondo nekuva pakati pechikwata chenyanzvi dzezveutano chakagadzira mushonga wejekiseni wekutanga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 pasi pekambani yePfizer kuUnited States, nguva yadarika vakapihwa mubairo nekuda kwebasa guru ravakaita iri.

Dr Shopera, avo vanoshanda saprincipal scientist kuPfizer, vakanyora nhoroondo pasi rose nekuva pakati pechikwata chenyanzvi chakagadzira mushonga wekudzivirira chirwere ichi.

Mushonga uyu wakabvumidzwa kuti ushandiswe neboka reUS Food and Drug Administration (FDA) uye sangano reWorld Health Organisation (WHO) munaZvita wegore rapera.

Dr Shopera nguva pfupi yadarika vakapihwa mubairo nesangano reWorldwide Research, Development and Medical Operations (WRDM) nekuda kwekuzvipira kwavo mubasa rekugadzirwa kwemushonga wekudzivirira Covid-19 uyu.

Vachangobva zvakare kukwidziridzwa pabasa kubva pachinzvimbo chasenior scientist kuenda pane chaprincipal scientist (bioprocess research and development) kuPfizer Inc iyo inova imwe yemakambani makuru pasi rose panyaya dzekugadzira mishonga yekurapa.

Dr Shopera – vachidzora ndangariro – vanoti rwendo rwavo rwakatanga makore 35 adarika apo vaigara kuMbare, muguta reHarare.

Vaine makore mapfumbamwe ekuberekwa, vakave nechishuwo chekuzova nyanzvi yezvesainzi apo vaiita basa rekutengesa zviwitsi nekugeza motokari sezvo baba vavo vaive vasina basa rakadzikama.

“Senzira yekubatsira vabereki vangu, ndaiita basa rekugeza mota pedyo nerwizi rwaMukuvisi uye vamwe vavakidzani vangu, kunyanya Mdara Diva namushakabvu Magofingo, ndivo vakandidzisa zvose zvemubasa iri.

“Ndaiita basa rekutengesa zvinhu uye mari yandaiwana ndichitengsa shangu dzekuchikoro, masokisi, mabhuku nezvimwe zvaidiwa,” vanodaro.

Vanoti matambudziko avakasangana nawo pakuyaruka akavapa hushingi mukurarama kwavo.

Dr Shopera vanoti chiroto chavo chikuru chaive chekuita zvinhu zvinoita mutsindo pasi rose izvo zvakazozadzikiswa nekuve kwavo pakati pechikwata chakagadzira mushonga wekudzivirira Covid-19.

“Ndaive muchikwata chenyanzvi dzezveutano chakabudirira munaNyamavhuvhu 2020 apo mushonga wekudzivirira Covid-19 wakapasiswa neFDA. Iyi ibudiriro huru uye ndinonzwa kudada nazvo,” vanodaro Dr Shopera.

“Zvinoda kushanda nesimba, kuzvipira, kusarasa tariro, mushandirapamwe, kuzvitenda uye chakanyanya kukosha kuve nechinangwa. Sevanamazvikokota vezvesainzi, tinoita zvinhu zvinotsigirwa neumboo hunobatika.”

Dr Shopera vane dhigirii rePhD in Energy, Environmental and Chemical Engineering iro vakaita neWashington University kuSt Louis uye Master’s Degree in Chemical Engineering kubva kuyunivhesiti imwe chete iyi.

Vanoti kunyangwe zvazvo vave kugara kuUS, Zimbabwe inoramba iri musha wavo uye iri pakati pemwoyo wavo.

“Kuburikidza nehunyanzvi hwangu hwebasa, chishuwo changu kuti Zimbabwe munyaya dzezveutano ive pamusoro-soro, ichizadzikisa zvinodiwa nevanhu uye vasingavadhurire. Ndine chishuwo zvakare chekusimudzira nyaya dzezvesainzi muZimbabwe neAfrica yose,” vanodaro Dr Shopera.

Share This:

Sponsored Links