Chirongwa chafamba zvakanaka: Mahomva

25 Feb, 2022 - 00:02 0 Views
Chirongwa chafamba zvakanaka: Mahomva

Kwayedza

Munyori weKwayedza

HURUMENDE inoti iri kufadzwa nekufamba kuri kuita chirongwa chekubaya vanhu nhomba dzekudzivirira Covid-19 uye chakakosha zvakanyanya panyaya yekurwisa denda iri izvo zviri kuonekwa nekudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa nechirwere ichi.

Zimbabwe yakatanga kubaya vanhu nhomba nemusi wa22 Kukadzi gore rapera, zvikaita kuti ive pakati penyika shoma dzekutanga muAfrica dzakavamba chirongwa ichi.

Kusvika nemusi weChitatu svondo rino, vanhu 4 343 700 vange vabaiwa nhomba yekutanga (1st dose) apo 3 377 702 vange vabaiwa zvizere – yekutanga neyechipiri (2nd dose).

Vamwe 108 955 vange vabaiwa nhomba yechitatu (booster).

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika kana kuti vanhu 10 miriyoni kuti pange paine kudzivirirwa kubva kuchirwere cheCovid-19.

Kunyangwe zvazvo huwandu hwevanhu vari kuenda kunobaiwa pari zvino hwadzikira, Hurumende ine chivimbo chekuti budiriro yaitwa pasi pechirongwa ichi yakanaka sezvo kubaiwa kuri kuita vanhu uku kuchibatsira mukuderedza kupararira kwechirwere ichi.

Dr Agnes Mahomva, avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet, vanoti hurongwa hwakajeka maringe nenzira dzekurwisa denda iri huri kubatsira zvikuru mukudzivirira kupararira kwaro.

Chirongwa chekubaya nhomba, vanodaro, chakwanisa kuzadzikisa zvaitarisirwa kubva gore radarika.

“Tinofara nebudiriro yatave nayo. Budiriro huru ndeyekuti Hurumende yaive nehurongwa hwakajeka pamusoro pekurwisa kupararira kweCovid-19 pasi pechirongwa chekubaya vanhu nhomba uye nedzimwe nzira. Kubva pakutanga, Hurumende yakaisa homwe yeUS$100 miriyoni padivi yekutenga mushonga wenhomba uye izvi zvakabatsira zvakanyanya mukuona kuti taive takagadzirira,” vanodaro Dr Mahomva.

“Kunyangwe zvazvo zvipo zvakauya, hatina kumirira izvozvo asi takatenga toga mushonga wenhomba uye izvi zvakabatsira muchirongwa chedu chekubaya vagari vemuno.”

Nhomba dzinobatsira kuti muviri ukwanise kurwisa denda reCovid-19.

“Chirongwa chekubaya nhomba chakwanisa kuzadzikisa zvinangwa zvinotarisirwa nekuda kwekuti hatina kuwana vanhu vakawanda vabatwa pamwe nekufa nechirwere ichi. Panguva iyo yakazonyuka hutachiona hwemhando yeOmicron variant pachikamu chechina chedenda iri (fourth wave), takange tabaya vanhu vakawanda nekudaro hatina kuwana vanhu vakawanda vakarwara zvakanyanya.

“Munoona kuti huwandu hwevakabatwa nedenda iri panguva yechikamu chechina hwakadzikira kana zvichienzaniswa nezvimwe zvikamu,” vanodaro Dr Mahomva.

Vanoti zvakakosha kuti vakawanda vabaiwe nhomba nechinangwa chekuti nyika irambe ichiwana vanhu vashoma vanobatwa neCovid-19 mune remangwana.

Kunyangwe zvazvo huwandu hwevari kuwanikwa vaine chirwere ichi hwakadzikira, pane kukwira kushoma kwakaitika svondo rapera izvo zvakaita kuti vanhu vakawanda vave nemubvunzo wekuti Zimbabwe ingangotarisana nekunyuka kwechirwere ichi kechishanu (fifth wave) here mune remangwana.

Zvisinei, Dr Mahomva vanoti hapanai nzira yekuona kuti mamiriro akaita zvinhu maringe nedenda iri pari zvino anonongedzera kuti chirwere ichi chinogona kunyuka kechishanu.

“Hapanai nzira yekuona kuti denda iri rinogona kuita izvi kana izvo uye ndicho chikonzero tiri kuramba tichikurudzira kuti veruzhinji vabaiwe nhomba,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links