Uncategorized

Chirongwa chekuchenesa nyika chakaparurwa

07 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Chirongwa chekuchenesa nyika chakaparurwa

Kwayedza

Tandayi Motsi
MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa nemusi weChitatu chino vakaparura chirongwa chekuchenesa nharaunda cheNational Clean-up Campaign nedonzvo rekuti nzvimbo dzose munyika dzigare dzakachena.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi panzvimbo yeTakashinga Sports Club kuHighfield, muHarare, President Mnangagwa vanoti vanokurudzira makanzuru kuti akoshese nyaya dzekutakurwa kwemarara kubva kunzvimbo dzinogara veruzhinji.

Vanoti ibasa remunhu wose kuchenesa nharaunda yaanogara nguva nenguva.

President Mnangagwa vanokurudzirawo masangano enhau kuti adzidzise veruzhinji nezvekukosha kwekuti nharaunda dzavo dzigare dzakachena. Vanoshoropodza vanhu vane katsika kekurasira marara pose pose, vachiti vacharangwa maringe nemutemo.

President Mnangagwa vakatara musi weChishanu choga choga wekutanga kwemwedzi sezuva richange richiitwa chirongwa chekuchenesa nharaunda dzakasiyana kumativi mana enyika kutanga nenguva dza8 am kusvika 10 am.

Chirongwa ichi chichange chiitwa mungave mudzimba, kumabasa, panzvimbo dzinoungana veruzhinji kana kumakambani nemamwe mapoka akazvimirira.

Zvimwe zvaiitika apo President Mnangagwa vaiparura chirongwa cheNational Clean-up Campaign panzvimbo yeTakashinga Sports Club kuHighfield, muHarare nemusi weChitatu chino

President Mnangagwa vanoti munhu wose anove chizvarwa chemuZimbabwe ane makore 10 kusvika 65 okuberekwa anosungirwa kunge achipinda muchirongwa chekuchenesa nharaunda ichi zvisinei nekuti munhurume here kana kuti munhukadzi.

Mudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa ndivo vakasarudzwa nebazi rinoona nezvenharaunda nekushanyirwa kwenyika saPatron wechirongwa cheNational Clean-up Campaign.

Vaive pagungano iri vanosanganisira, First Lady Amai Mnangagwa, Vice President Constantino Chiwenga, Vice President Kembo Mohadi, makurukota eHurumende nevamiriri vedzimwe nyika.

Chirongwa chekuchenesa nharaunda ichi chichabatsira zvikuru mukudzivirira zvirwere zvemanyoka zvakadai secholera iyo yakauraya vanhu vane chitsama gore rino zvichitevera kunyuka kwayakaita kuGlen View, muHarare ndokuzopararira kune mamwe matunhu enyika.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>