Chirwere cheshuga chinorapika

15 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Chirwere cheshuga chinorapika

Kwayedza

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanoti chirwere cheshuga chinokwanisa kudzivirirwa kuburikidza nekudya chikafu chisina tsvigiri yakawandisa pamwe nekugara munhu achiita mitambo inosimbisa muviri.

Vachitaura svondo rapera kuChegutu pamhemberero dzekucherechedza zuva reWorld Health Day, Dr Parirenyatwa, vanoti Hurumende yakazvipira kurwisa zvirwere izvi.

“Gore negore bazi rezveutano nekurerwa kwevana, rakabatana nesangano reWorld Health Organisation, rinocherechedza zuva reWorld Health Day uye gore rino takasarudza dingindira rinoti, ‘Shuga inodziviririka: Ngatisimudzirei vanhu, mhuri nenharaunda’.

“Mugore ra2008, zvakaonekwa kuti vanhu vanodarika 347 miriyoni pasi rose vakange vaine chirwere cheshuga uye chiri kuramba chichitekeshera munyika dzichiri kusimukira,” vanodaro.

“Mugore ra2012, chirwere ichi chakakonzera ndufu dzevanhu 1,5 miriyoni pasi rose uye chikamu chinodarika 80% chendufu idzi chichibva kunyika dzichiri kusimukira.” Dr Parirenyatwa vanoti muna 2005, pakaitwa ongororo pakaonekwa kuti chikamu che10% chevanhu vakange vaine diabetes mellitus kureva kuti munhu mumwe chete pavanhu gumi akange aine chirwere cheshuga.

“Chirwere cheshuga chinokonzerwa nekusashanda zvakanaka kwenduru mumuviri,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

Vanoti chirwere cheshuga chinouya nemhando nhatu dzinoti diabetes type I, II neIII.

“Vanhu vane type I miviri yavo inenge isingakwanisi kugadzira insulin (chikamu hwehuwandu hweshuga) nekudaro vanenge vachifanira kupota vachinowedzerwa kuburikidza nekubaiwa majekiseni. Vane Type II vanenge vachiburitsa chikamu che90% cheinsulin kureva kuti inenge isina kukwana uye kazhinji kacho vanhu ivavo vanenge vaine huremu hwakapfurikidza mwero zvinoita kuti miviri yavo inge ichida insulin yakawanda. Yechitatu, ndiyo yekuti glucose yemuropa inenge yakawandisa kudarika mwero uye chinonyanya kuwandira kumadzimai akazvitakura,” vanodaro.

Dr Parirenyatwa vanoti nekufamba kwenguva kana chirwere ichi chikasakurumidza kurapwa, chinogona kumutsa matambudziko akadai sekusashanda zvakanaka kweitsvo, kurasikirwa nemaziso, pfari, kuoma mitezo kana zvimwe zvirwere zvinoita kuti munhu asvike pakudimburwa mimwe mitezo yemuviri wake.

“Zvisinei, zvirwere zveshuga zvinogona kudzivirirwa kuburikidza nekuchengetedza huremu hwemuviri hwakakodzera, kuita mitambo inosimbisa muviri, kuregedza kuputa fodya, kuregedza kunwa doro zvakanyanya uye kudya kune utano.

“Zvirwere zveshuga zvinorapika uye Hurumende iri kuedza nepose painogona kuti vanhu vange vachiongororwa pamwe nekurapwa chirwere ichi,” vanodaro.

Vanoti bazi ravo riri mushishi kutsvaga zvekushandisa kuti ringe richibatsira mukurwisa zvirwere zveshuga.

“Tinoda kuzadzikisa zvinangwa zvegore ra2030 zvekuderedza ndufu dzinokonzerwa nezvirwere zvakadai nechikamu che1/3 kuburikidza nekupakurira veruzhinji ruzivo,” vanodaro.

Mhemberero dzeWorld Health Day dzinogarocherechedzwa nomusi wa7 Kubvumbi gore negore.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>