Kwayedza
VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Mazita eminda nekurima:
1. Munda usati wamborimwa, kana kuti mutsva unonzi chii? (gombo)
2. Munda wave nenguva yakareba uchirimwa unonzi chii? (gura)
3. Munda unorimwa nzungu unonzi chii? (tseu)
4. Munda unorimwa mupunda unonzi chii? (doro/dimbwa)
5. Munda wamambo unorimwa nevanhu vose unonzi chii? (zunde)
6. Munda wakarega kusakurwa ukakurirwa nesora unonzi wakaita sei? (wakararira)
7. Ndove yemombe inoiswa mumunda inonzi chii? (manyowa/mupfudze)
8. Manyowa emashizha nezvimwe zvakaworera anonzi chii? (murakani/murakwani/mutsakwani)
9. Kurima chibhakera kuita sei? (kurima muchitimba nemapadza)
10. Chii chinonzi serima (ibadza)
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Vana vemhuka:
Tipewo mazita evana vemhuka dzinotevera:
1. Nyoka
2. Nhiriri
3. Kiti
4. Hangaiwa
5. Dhongi
6. Mbira
7. Hwiza
8. Mbeva
9. Nyati
10. Munhu
* * *
Mhinduro svondo rinouya.