Uncategorized

Chitunha chakadyiwa…. . . kukasara musoro bedzi

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Chitunha chakadyiwa…. . . kukasara musoro bedzi Deheny’a remwana

Kwayedza

Kingstone Mapupu naCourtney Munodawafa
CHITUNHA chemwana chainge chichangobva mukuvigwa kwaChivero, kuMhondoro, chakafuma chakatorwa muguva, pamarinda ndokungosiiwa dehenya remusoro nezvidimbu zvenyama izvo zvainge zvakaraswa-raswa.

Nyakuita mashura aya haasati ozivikanwa.

Manenji aya asiya mhuri yekwaKatsande — iyo igere mubhuku rekwaDambiranwa, paPlot 86 iri paHopewell Farm, kuSelous — izere nekutya.

Paguva iri pakawanikwa pakarovererwa hoko yainge yakasungirirwa machira matsvuku nembatya dzainge dzakapfekedzwa chitunha pachakavigwa dzinosanganisira manapukeni, hembe, nguwani, uye dehenya nezvidumbu zvenyama izvo zvakange zvakamwararidzwa.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanotsinhira nyaya yekufukunurwa kweguva iri vachiti iri kuferefetwa.

Amai vemwana akavigwa guva rake rikafukunurwa vanonzi Dudzai Patuwere (19) kuchiti baba vacho ndiLovemore Katsande (24).

VaTobias Katsande (61) — avo vanova sekuru vemufi, baba vaLovemore — vose nemudzimai wavo Mai Sarah Chakwenya (48), vanoti vasara vazere nekutya kukuru nekuda kwechiitiko ichi.

“Muzukuru wangu akafa mumwedzi waChikumi uye setsika yechivanhu, isu takazivisa sabhuku wedu. Machembere akaenda akanoviga mutumbi wemwana uyu zvakanaka. Asi svondo rakapera ndipo patakazofonerwa tichiudzwa kuti guva rawanikwa rakafukunurwa, dehenya nembatya dzaakavigwa nadzo zviri kunze,” vanodaro VaKatsande.

Vanoti guva iri rakambofukunurwa kekutanga mutumbi uchangobva kuvigwa.

Mudzimai wavo anoti vakashamiswa zvikuru nezvakaitika izvi.

“Vanhu vakaita izvi kunyangwe vari varoyi, vakagara vaine chinangwa. Guva iri rakafukunurwa kekutanga tikarigadziridza. Svondo rapera, takazoshevedzwa zvakare tichinzi guva riya rafukunurwa zvakare apo takaenda ndokunowana dehenya remwana nembatya dzatakamuviga nadzo zviri pachena. Paivawo nezvipitsi zvenyama.

“Takaona paine hoko nemachira matsvuku, tikabva tazivisa sabhuku wedu VaDambiranwa,” vanodaro.

Mai Chakwenya vanoti vachibatsirwa nasabhuku wavo, vakazoshevedza mumwe muporofita wemunzvimbo iyi uyo akatora zvinhu zvakabviswa muguva izvi, hoko nemachira matsvuku, ndokuzvicherera muguva rimwe chetero umo makanga musisina mutumbi.

“Mbatya, dehenya nezvimwe zvaka

zodzoserwa nemusi weMuvhuro uno wadarika. Hatizive kuti varoyi here vakaita izvi, kudya nyama yemuzukuru wangu. Chitunha chakaenda nevaroyi sekutaura kwevemweya,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nababa naamai vemwana akavigwa muguva iri payakashanyira nzvimbo iyi sezvo vainzi vainge vaenda kubasa uye nhare dzavo dzaisabatika. Asi Sabhuku Dambiranwa, VaAlmsdeeds Dambiranwa (37) vanoti nyaya iyi chishamiso chikuru.

“Mwana uyu akafa ndokuvigwa asi guva rake ndokumbofukunurwa kekutanga mumwedzi waChikunguru tikarifushira ndokuisa matombo pamusoro. Zvino izvozvi rakafukunurwa zvakare apo matombo akabviswa, tikazowana dehenya nembatya dzaakavigwa nadzo zvamwararidzwa panze. Takazivisa mapurisa avo vakauya uyewo vemhuri iyi vakazoshevedza muporofita tikaviga dehenya, mbatya nehoko yainge yakamonerwa jira dzvuku. Aya mabasa evaroyi bedzi,” vanodaro.

Sabhuku Dambiranwa vanopa yambiro kune vakaita izvi vachiti vakangovaziva chete uye pakaita humbowo hwakazara, vachavadzinga mumusha mavo.

“Hatigone kuti imbwa dzakaita izvi nekuti nyaya iyi yakaitika pekutanga tikagadzira guva iri, hezvino zvaitika zvakare kechipiri mutumbi ukaenda. Chakasara idehenya nembatya dzemwana dzaakavigwa nadzo. Hoko yaiva yakamonerwa nemucheka mutsvuku zvinoratidza huroyi huri pachena,” vanodaro.

Sabhuku Dambiranwa vanoenderera mberi: “Hapana tsoka dzevanhu dzakaonekwa parinda iri, dangwe remhuri iyi anova mwana akangozvarwa ndokufa zvakare, guva racho rakacherwa zvakare mugore ra2017. Hatichaziva kuti kufa kwevana ava kune chekuita nehuroyi here kana kuti kwete.”

Gore rakapera paseri, munzvimbo imwe chete iyi mune murume akaenda kuguva remurungu akavigwa makore ekuma1950, akanorichera uye anonzi akazotaura mudare raSabhuku Dambiranwa kuti aitsvaga goridhe muguva iri.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>