Uncategorized

Chitunha Chakaita Chimhuka

13 Mar, 2015 - 10:03 0 Views
Chitunha Chakaita Chimhuka

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUNYAYA iri kunzi ine chekuita nemishonga yakaipa, chitunha chemumwe murume wekwaMusana chinonzi chakasanduka chikaita chimhuka chisinganzwisisike apo chainge chiri mubhokisi hama dzichigadzirira kuviga mufi.Izvi zvakaitika nguva ichangodarika mubhuku raMugabe, kunzvimbo yaChivare, apo mashura aya akatanga nemudumbu mechitunha umo munonzi mairira muchikwata sezvinoita mvura kana ichifashaira pamoto.

Sezvinonzi izvi zvidiki, bhokisi raive nemutumbi waClaudious Muganhiri (32) rinonzizve rakafamba richidzokera nekwaiva nemakumbo emufi, uko kwainge kugere shirikadzi yake, richiita seraisimudzwa nezvinhu zvisina akaona.

Claudious akafa asina kurwara.

Nyaya iyi, iyo yakasiya vagari veuku vazere nekutya, yakaitika masvondo maviri adarika.

Mudzimai waClaudious, Ruth Musorowegomo Muganhiri (17), akaudza Kwayedza kuti:
“Zvakangotangira pakabva murume wangu pano pamba ari mangwanani achida kunotora vamwe babamukuru kuti vaenda kudoro rendari mumisha asi ndokunovashaya.

‘‘Ava kudoro, akazoridzira nhare babamukuru vaye avo vakazotevera. Ndipo panonzi akangotanga kuti ave kutonhorwa.

“Vari munzira kudzoka naye kumba, akazopunzika pamugwagwa ndokutakurwa kuunzwa kuno. Akapfuudzwa kuchipatara uko vakasvikoti aiva afa kare.

“Vakakazosara vomuendesa zvavo kuchipatara asi murume wangu aiva afa kare.”

Ruth akaenderera mberi achitsanangura nezvemashura aya. “Mudumbu mechitunha makarira zvikuru, zviya zvekuita semaifamba mvura, apo akanga achangofa zvikativhundutsa.

“Pakazouya bhokisi kubva kuHarare, mutumbi wakagezeswa ukaiswamo nevekambani yakanga yauya kuzomuviga. Ndipo pakabva patanga zvimwe, bhokisi rainge raiswa pamusoro pesitendi rakafamba richidzokera kwandaiva ndiri ndikapotsa ndatiza husiku uhu,” akadaro Ruth.

Mudzimai uyu anoti mushandi wekukambani inoviga vanhu aivapo akazoona mamwe mashura apo akavhura bhokisi mangwanani achida kuona kuti mutumbi waiva wakaita zvakanaka here.

“Murume uyu paakavhura bhokisi akatomboda kutiza achiti mutumbi waiva wasanduka. Akazivisa vehukama vaive pedyo mumba avo vakazvionera.

‘‘Ndipo pakabva panzi dzimwe hama hadzichatenderwa kuonekana dzichiita zvekuona chitunha,” akadaro.

Amai vemushakabvu, Mai Tracey Muganhiri (58), vanoti mwana wavo akafa ivo vari kuHarare.

“Mwana uyu akangoti musoro wake warwadza, ndakamupa mapiritsi ndokunorara uri musi weChina.
Akamuka ndokuti akanga ava nani, ndakamuti aende kukiriniki yekwaMusiiwa, kuRutope, izvo asina kuita. Ndipo pandakazoenda kuHarare iye ndokusara achifa,” vakadaro.

Vanoti vakazotsvaga kambani inoviga vafi, ndokuenda nebhokisi wava musi weMugovera. Mutumbi uyu unonzi wakasvikobaiwa jekiseni rekuti usakasike kushata, ukaswera mumba ndokurara dakara yava Svondo.

“Zvekufamba kwebhokisi handina kuzviona, dzimwe nguva ndaiva ndabuda. Asi zvekusanduka kwemwana wangu zvakaoma, zvakaitika.

“Tichiri kumba, ndakapinda ndikaona kuti chokwadi akanga asisiri mwana wangu, yakanga yava mhuka yandisingazive zita rayo. Izvi zvakaitika makuseni eSvondo apo pakazowiriranwa kuti kusaonekedzanwe nemufi vanhu vachiona chiso.

“Maziso ake akanga abuda kunze, mboni yatakanuka, mhuno dzakura, muromo wakura uchitamba-tamba sewemunhu aitaura uine kaburi kaiburitsa mvura yaiva neropa sezvinoita chitubu. Shati yaaiva yakapfekedzwa Claudious yaiva yazara ropa,” vakadaro amai vemufi.

Mai Muganhiri vanoti vanhu vava kumakuva, kune hama dzakakumbira kuona mutumbi apo ivo nemurume wavo, VaBenard Muganhiri (61), vakanzi vatange ndokuona kuti mufi akange atowedzera kusanduka, kuita chimhuka chaicho.

“Dai kuri kunzi mwana uyu takanga tamuendesa kumochari taigona kumuramba tichiti handiye nekusanduka kwaakanga aita. Vanhu vose vakaona mutumbi uyu vakaramba kuti waiva waClaudious,” vakadaro Mai Muganhiri.
Mai Loice Muhwahwa Dzangare (44), avo vakaonawo chitunha chaClaudious, vanoti vakapotsa vapunzika vave kutiza apo maziso avo akasanganidzana nechiso chaClaudious icho chainge chasanduka kuita chimhuka. “Taiva mumba maiva nechitunha nemamwe madzimai nevarume, ini ndiri padyo nebhokisi namaiguru Faustina Chigede naiye mudzimai wemufi. Bhokisi rakafamba takatarisa. Mushandi wekukambani inoviga vafi akazovhura bhokisi akumbira kuona mutumbi ndokuzosvetukira kumashure aona kumeso kwemufi kwasanduka kuita sekwemhuka,” vakadaro.

“Ini ndiri mumwe akatanga kuona apo ndakatarisa mubhokisi. Chandakaona haasi munhu, yaiva mhuka yandisingazive asi inotyisa. Matama, muromo, mhuno nemaziso nenzeve zvakanga zvafuta zvabatana uyezve zvasviba kuita sekumeso kwemhuka nhema-nhema.

“Ndichiona izvi, ndakasvetuka kudzokera shure ndikapotsa ndapunzika ndokubatwa nevanhu ndave kubuda panze vachiti ndigare pasi sezvo ndaigona kunowira kudhamu riri padyo nemusha,” vakadaro.

Vanoti babamudiki wavo, Claudious, akasandurwa kuitwa mhuka achiri mumba zvinoreva kuti havana kuviga munhu, asi kuti mhuka yavasingazive. Mukoma wemufi, VaVoice Dzangare (44), avo vakafirwa naClaudious ari mumawoko mavo, vanoti firo yemunin’ina wavo nezvose zvakaitika mabasa ehuroyi.

“Kunyangwe ndaisavapo (pakasanduka chitunha) ndakaudzwa kuti akanga ava mhuka chaiyo, hanzi zvaitoda kuti vane chivindi vatarise,” vakadaro VaDzangare.

Mumwe mukoma wemufi, VaCharakupa Muganhiri (37), vakatsinhirawo vachiti:

“Mukomana uyu takamuendesa kuchipatara chekwaMumvinzi-Mavhudzi, kwaChikwaka, tikasvikoudzwa kuti aiva afa kare ndokudzoka nechitunha. Haana kurwara, akangoti aipindwa nechando.

“Chitunha chake chakazosanduka chiso kusvikira takanomuviga akadaro. Zvose aiva mhuka kubva kumaziso, muromo, matama, nzeve, mhuno, mhanza nevhudzi rakanga rangosara panzvimbo diki-diki kutangira pakati pemusoro. Inyaya yekuromba kwakaita vamwe vanhu mumusha medu,” vakadaro VaCharakupa.

Panhamo iyi pane hanzvadzi yavo, Caroline Muganhiri, uyo vanoti akasvikirwa nemweya waambuya vavo – VaRuzapeta – uyo wakataura zvose zvakanga zvaitika, uchiti Claudious akanga auraiwa. Mudzimu uyu unonzi wakarwisa mumwe mudzimai, anova muroora mumusha uyu.

“Tasara nababa vamwe chete, Robert Maganhiri, vanova baba chaivo vaClaudious. Vamwe vose vakapera kufa, kusanganisira Simon Muganhiri, Lovemore Muganhiri, naMusafare Muganhiri,” akadaro. Mutumbi waClaudious unonzi wakazovigwa wakasanduka kudaro.

Mhuri iyi inonzi yakazofamba kune mumwe muporofita anogara kwaSikero, munzvimbo iyi, vakanoudzwa kuti vakanga vasina kuviga mutumbi wClaudious, asi kuti chidhoma nezvikwambo.

“Takaenda kumuporofita akatiti kumba kwedu kuHarare kwaiva nemishonga yaiva mu‘ceiling’. Takazoendako semhuri nemuporofita uyu kukanoburitswa mishonga iyi. Caroline, uyo akanga ambosvikirwa kuno kumusha parufu, akanosvikirwa zvekare.

“Muporofita uyu akanga atiudza kuti ivhu nyoro repaguva remwana uyu rakanga ratotakurwa nezvidhoma kunoiswa mu‘ceiling’ yekumba kwedu kuHarare, uko ivhu iri rakanoburitswa,” vakadaro Mai Muganhiri.

Achitaurawo neKwayedza, muporofita uyu – Victor Murodza (53) – anoti mhuri iyi pane zvose zvayakabatsirwa nazvo pamwe nezvinhu zvakanobviswa kumba kwayo kuKuwadzana zvakaitwa pachena.

“Vakabatsirwa nemweya, pane zviri kunetsa mhuri yavo uye vanoda kuramba vachibatsirwa,” akadaro.

Mutevedzeri wasabhuku wekwaMugabe, VaJoshua Josham Samoyo (51), vanoti chiitiko ichi chakavashamisa zvikuru sezvo vasati vambozviona mudunhu ravo.

Zvichakadaro, chiitiko ichi chasiya mhuri yekwaMuganhiri yapesana sezvo hama dzave kupumhana huroyi.

Share This:

Sponsored Links