Uncategorized

Chitunha chasabhuku chakadyiwa

06 Oct, 2021 - 14:10 0 Views
Chitunha chasabhuku chakadyiwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vemubhuku raMashavave riri kwaMambo Chireya, kuGokwe North havana neremuromo zvichitevera nyaya yekudyiwa kunonzi kwakaitwa chitunha chasabhuku weko mushure mekufukunurwa muguva zvikaizota kuti pagume paitwa chivanhu apo mumwe mudzimai anodura kuti iye nevamwe vake ndivo vakadya mutumbi uyu.

Nyaya iyi yakatopinda mudare reMambo Chireya, VaHenry Chidzivo, avo vanoitsinhira.

“Tine nyaya yeguva raSabhuku Solomon Mashavave iro rakafuma rakafukunurwa vanhu vachangobva kuviga chitunha chake. Vemhuri iyi vakazotsvaga n’anga iyo yakaisa mhiko dzayo pakazobuda vamwe amai, Mai Sekai Muchina, vabatwa neshavi.

“Vakataura kuti ivo nechikwata chevamwe vavo vana (4) ndivo vakafukunura guva iri vakadya nyama yemutumbi wasabhuku uyewo nekunwa ropa remumwe mukomana akanga achangobva mukufa mumusha uyu,” vanodaro Mambo Chireya.

Mudzimai uyu anonzi akati aiva nechikwata chevamwe vake vemumusha uyu vaanoita navo zvehuroyi.

“Vemhuri iyi vakashevedza voga munhu anoita zvechivanhu, amai ava vakabatwa neshavi rehuroyi ndokutanga kutaura kuti ivo nevamwe vavo ndivo vainge vauraya sabhuku ava nemwana mukomana wemumusha uyu vakadya nyama yavo nekunwa ropa.

“Pakazowanikwa bhodhoro raiva neropa kumakuva uku, ivo vakabvuma kuti iropa revafi ava iro ravaichengeta sevaroyi,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoenderera mberi: “Nyaya iyi takamboitonga svondo rakapera Mai Muchina varipo vachitsanangura mafambisiro avaiita mabasa avo ekuroya nevamwe vavo vana vavasina kudoma nemazita. Vemusha wemushakabvu uyu vakanyora tsamba kwandiri vachiti vanoda kuti musha uyu uchenurwe ndokubva vatsvaga munhu wavo voga.”

Mambo Chireya vanoti mudzimai wekudura kuti iye nevamwe vake ndivo vakafukunura guva rasabhuku uyu anofanirwa kupihwa chirango chake, odura mazita evamwe vaanoshanda navo.

“Nhasi (musi weSvondo wadarika) amai ava, Sekai Muchina, vanga vachifanirwa kuuya mudare rino votaura mazita evamwe vavanoroya navo. Mutongo wavo tava nawo uyewo tinoda kuti vabatsirwe, vabviswe mashavi ekuroya aya nekuti dzimwe nguva haisi mhosva yavo.

“Zvino havana kuuya kudare nhasi, tanzwa kuti vakatiza pamusha vakaenda kuKadoma. Asi mhosva haitizwe saka ngavauye titaure. Madzishe hatipo kurwadzisa asi kubatirana nekununurana muupenyu,” vanodaro Mambo Chireya.

VaJohn Musutisi (79), vanova munin’ina waSabhuku Mashavave ane guva rakafukunurwa nemudzimai wavo, Mai Emelda Musutisi (63), vanotsinhirawo nyaya iyi.

“Tawirwa nedambudziko iri, takashevedza muporofita akaita mhiko dzake achibatsirwa nevamwe. Amai ava vakazobatwa neshavi vakadura voga mashandiro avanoita nekufukunura kwavakaita guva,” vanodaro VaMusutisi.

Vanoti mumwe akashaika panguva imwe chete iyi ainzi Jairosi Machacha.

Votaurawo nezvenyaya iyi, Bishop Cuthbert Nyaruvenda (53) vanova mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZNPA), vanoti huroyi huri pakasiyana, pane hwekutenga nehwemashavi.

“Huroyi huriko hunobata munhu asingade, koitawo humwe hwekutenga. Saka vanhu ava vanoda kubatsirwa,” vanodaro Bishop Nyaruvenda.

Share This:

Sponsored Links