Uncategorized

Chitunha chemwana chakasanduka

08 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

. . . vakaona chava chemunhu mukuru

VANHU vaiva parufu rwemwana wemakore mana okuberekwa kwaMambo Siabuwa, kuBinga, vanonzi vakasara vasina neremuromo apo chitunha chake chakasanduka kuita sechemurume mukuru, nhengo yake yesikarudzi ndoukita zvishamiso.

Pane mashoko anoti zvakaitika izvi zvinoreva kuti chitunha chemwana uyu chakasandurwa nemishonga chikaitwa chidhoma.

Izvi zvinonzi zvakaitika kumhuri yekwaMwende, mubhuku raSiyachepule, iyo inonamata chechi yeJohanne Marange parufu rwaDunmore Mwende.

Mwana uyu anonzi akashaika mutumbi wake ndokuchengetwa mumba asi wakazoonekwa wasanduka kuita sewemurume mukuru uye nhengo yake yesikarudzi yaita seyemunhu mukuru.

Mambo Siabuwa, VaRobertson Sibanda (50), vanoti mashura aya akaita kuti vashevedzwe vakasvikowana mutumbi wemwana uyu waiswa muzidhishi hombe, vanhu vechikuru vachida kugeza chitunha ichi kubvisa mbeu yaibuda pasikarudzi.

“Ini samambo ndakasvika pamusha uyu ndikapinda maiva nechitunha ndokuona mbeu iyi ichingobuda. Zvakatora nguva inoita awa rose ndokuzopera. Ichi chakava chishamiso muno,” vanodaro mambo ava.

Vanoti vakazokurudzira vabereki vemwana akashaika uyu kuti vafambe kuitira kuti vatsvage chikonzero chemanenji aya asi vakaramba vachiti chechi yavo haitendere zvakadaro.

“Mutumbi wemwana uyu wakazongovigwa pasina kufambwa, sikarudzi yake yakangodaro.

“Asi ini samambo, ndinoda kuti mhuri iyi iripe nekuti vakaramba kutsvaga kuti zvakakonzerwa nei. Kune mhondoro dzekuno dzinoti mwana uyu akapindurwa kuitwa chidhoma kana kuti chikwambo nezvakaitika izvi. Naizvozvo ndinoda kuti mhuri iyi ichenese dunhu rangu” vakadaro.

Baba vaDunmore, VaThomas Felix Mwende (34), vanotsinhira mashura aya vachiti: “Ichokwadi, pakaitika mashura pano. Mwana wedu afa, akasanduka nhengo yake kuita kunge yemunhu mukuru. Hatina kuziva kuti chaiva chii uye mambo vakatiti tifambe asi hatina sezvo chechi yedu isingazvibvumidze.”

Zvinonzi mvura yaiva yaiswa chitunha chemwana uyu, iyo yainge yasanduka zvekuchenuruka, haina kuonekwa kuti yakatorwa nani. Pane fungidziro yekuti inogona kuve yakatorwa nevanoshereketa nemishonga.

Mai Chipo Mwende (32), vanove amai vemuchakabvu, vanoti zvakaitika zvakavashamisa zvikuru.

“Inyaya yakaitika. Dambudziko iri rakatanga mwana uyu ari mudiki asi ndakamusununguka zvakanaka. Ava nemwedzi minonwe, akatanga kuramba mukaka uye mazamu angu aibuda ropa. Akazotadza kukambaira kana kumira apo takafamba naye kwakasiyana ndichibatsirwa kuchechi yatinopinda mwana achimboita zvakanaka achitangazve kurwara,” vanodaro.

“Panguva iyi, ndakafamba ndikanzi pamba patinogara tibve nekuti ndipo paiva nedambudziko racho.”

Mudzimai uyu anoti achine dambudziko rekubuda ropa mumazamu ake, dzimwe nguva uchijuja uri mukaka, kunyangwe asina mwana mucheche pari zvino.

“Kuna tsikamutanda akauya achibatsira musha wose anoti mwana wedu akanga atorwa nevaroyi vakazomudzosa mumusha umo ari kugara sechidhoma. Vanhu ava vaida mbudzi shanu kuti vatibatsire idzo takashaya,” vanodaro Mai Mwende.

Vanoti vanorota mwana akashaya uyu achiuya kuhope kwavo vachitotamba naye.

Mudzimai uyu ari pachipari, ndiye vahosi uye vanyachide vake ndiThereziya Sibanda (27).

Mambo Siabuwa vanoti vachashevedza mhuri iyi nevamwe vemudunhu ravo kudare ravo munguva pfupi iri kutevera votsvaga magodobori nemaporofita anovashandira.

Nyanzvi yezvechivanhu, Sekuru Bonface Katerere, vanoti mwana uyu anogona kunge akasandurwa nemishonga kuitwa chidhoma kana kuti chikwambo.

“Inyaya iri pachena iyi, mwana uyu aishandiswa nemishonga kubva ari mupenyu ndokuzotorwa afa kumuita chidhoma. Izvozvi ava chidhoma,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>