Chivandire ahwina bhandi reWBC kuZambia

28 Feb, 2022 - 08:02 0 Views
Chivandire ahwina bhandi reWBC kuZambia Shasha itsva yeWBC Kudakwashe Chivandire (wechipiri kubva kurudyi) asimudzwa nemumwe wevatsigiri apo murairidzi wake Clyde Musonda atakura bhandi raahwinha kuZambia manheru adarika.

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva yechidzimai, Kudakwashe ‘Take Money’ Chivandire anyoora nhoroondo manheru adarika apo akunda Cathrine Phiri wekuZambia ndokumutorera bhande reWorld Boxing Council Super-bantam weight.

Mukudaro, Chivandire abva aita mutambi wetsiva wekutanga kubva muZimbabwe kuhwina bhandi guru reWBC.

Achitaura ari kuZambia, maneja waTake Money arizve murairidzi wake, Clyde Musonda ati chikwata chavo chizere nemufaro zvichitevera kuhwina kwaita Take Money.

“Handisisina izwi kutaura kwatiri kuita kuno nekuti izvozvi tiri pakupembera. Kuda adadisa zvikuru, asimudza mureza wenyika yedu.

“Tinotenda ruzhinji rweZimbabwe nerutsigiro rwavo neminamato yavo yose,” adaro Musonda.

Vasati vaenda kumutambo uyu, Take Money ange akatsidza kuti ari kunounza bhandi iri ndokuudza Phiri vasati vasangana kuti haasi shasha asi iye ndiye nyanzvi itsva ine bhandi iri izvo zvaazozadzikisa apo azomukundira pazvibodzwa.

Share This:

Sponsored Links