Chivandire onorwa kuZambia

30 Dec, 2021 - 15:12 0 Views
Chivandire onorwa kuZambia

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva yechidzimai, Kudakwashe “Take Money” Chivandire, osimbaradza gadziriro dzake dzemutambo uyo uchamuona achizosangana naCathrine Phiri wekuZambia apo vacharwira bhande reWorld Boxing Council (WBC) super-bantam weight iro risina munhu pari zvino.

Vatambi vaviri ava vachasangana nemusi wa29 Ndira uye Chivandire ari kuita gadziriro dzake akatarisana nemutambo uyu.

Maneja waChivandire, Clyde Musonda, uyo anovazve murairidzi wake, anoti vave kusimbaradza gadziriro dzaChivandire kutanga musi wa3 Ndira.

“Take Money haana kumbobvira awana zororo, zvekuti paKirisimasi chaipo tange tichishanda naye tichigadzirira mutambo wake watakatarisana nawo. Mazuva anoita kunge achiri kure asi chokwadi ndechekuti hapasisina nguva.

“Mutambo uyu mukuru kuna Chivandire uye tiri kuda kuti ahwine bhande iri aite mutambi wetsiva wekutanga kubata bhande guru seiri kubva muZimbabwe,” anodaro.

Musonda anoti Chivandire ange achiita gadziriro dzake achibva kumba asi kutanga nemusi wa3 Ndira, achange ave kugara ega achisimbaradza gadziriro idzi asingasangane neveruzhinji kusvika azoenda kuZambia kumutambo uyu.

Anoti vari kutora danho iri nechinangwa chekudzivirira kuti mutambi uyu asatapurirwe chirwere cheCovid-19 uyezve nekuti pfungwa dzake dzinge dzichingofunga nezvemutambo wake chete.

“Kutanga svondo rinotevera, Kuda achabva kumba kwake achinogara paachange achiita gadziriro dzake. Hatidi kuti asangane neveruzhinji achifamba paanenge achiuya kuzoita gadziriro dzake. Achazongobva chete musi waanoenda kuZambia, iye zvino tiri kumbomuvharira toshanda naye tichinyatsomubika zvakasimba,” anodaro Musonda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>