Chiwandire adzoka munhandare

22 Aug, 2023 - 13:08 0 Views
Chiwandire adzoka munhandare Kudakwashe Chiwandire

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva yechidzimai yeWorld Boxing Council Interim Title – Kudakwashe ‘Take Money’ Chiwandire – akatanga kuita gadziriro dzekudzoka mumutambo uyu apo anotarisira kuzopinda mumakwikwi eWorld Boxing Council (WBC) ekuti azorwira mabhande akasiyana.

Sangano reWorld Boxing Council rakanyorera chikwata chaChiwandire richivazivisa kuti kana achida kurwira bhande reWBC, iro riri pamusoro pane rake, anofanirwa kutanga atamba mutambo mumwe chete ouhwina obva awaniswa tikiti rekurwira mamwe mabhande.

Mutambo uyu uchange uri wekutanga waChiwandire kubva zvaakakundwa naYamileth Mercado wekuMexico munaKurume apo vaviri ava vairwira bhande raMercado reWBC Super Bantam-weight.

Muhurukuro neKwayedza, maneja waChiwandire arizve murairidzi wake – Clyde Musonda – anoti Take Money akatanga gadziriro dzekuti azorwa mumutambo weWBC munguva pfupi inotevera.

Anoti pari zvino vari kuita hurukuro nevatambi vetsiva vakasiyana vachitsvaga mutambi wekuti Take Money agorwa naye.

“Take Money adzoka munhandare, ari kutoita gadziriro dzake kutaura kuno kuti agorwa munguva pfupi inotevera.

“Mumazuva anotevera, tichazivisa kuti acharwa nani nekuti pari zvino tiri pakati pekuita hurukuro nevatambi vakasiyana avo vatinotarisira kuti vanogona kurwa naye uye kana tikawirirana tinozivisa kuti acharwa nani.

“World Boxing Council yakatizivisa kuti Take Money anogorwira bhande guru pane raanaro iye zvino, anofanirwa kutanga ambotamba mumwe mutambo ohwina saka tave kumugadzirira kuti agopinda mumutambo uyu aibva,” anodaro Musonda.

Pari zvino Take Money ndiye ane bhande reWBC Interim Title iro raakahwina gore radarika apo akakunda Cathrine Phiri wekuZambia.

Take Money akazobudirira kurwira kuchengetedza bhande rake apo akarwa naZulina Munoz wekuMexico izvo zvakazomuhwinisa tikiti rekurwa naMercado apo akazama kuda kurwira bhande raMunoz asi akazokundikana munaKurume gore rino.

Share This:

Sponsored Links