Chiwandire orongera Mambo

07 Sep, 2023 - 15:09 0 Views
Chiwandire orongera Mambo Kudakwashe Chiwandire

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva yechidzimai – Kudakwashe ‘Take Money’ Chiwandire – acharwa naSasha Mambo anove chizvarwa chemuZimbabwe kuMalawi mwedzi unotevera mumutambo wekumuwanisa mukana wekuti adzoke pachinzvimbo chekurwira mabhande makuru eWorld Boxing Council (WBC).

Take Money akatanga kuita gadziriro nguva yadarika zvichitevera kumbopedza mwedzi akazorora apo akakundwa naYamileth Mercado wekuMexico vachirwira bhande raMercado reWBC Super Bantam-weight.

Muhurukuro, maneja arizve murairidzi waTake Money – Clyde Musonda – anoti Chiwandire ave kufanirwa kurwa mitambo miviri kuitira kuti azopihwa zvekare mumwe mukana neWBC wekurwira mabhande makuru akadai seSuper Bantam-weight iro rina Mercado.

Musonda anoti mitambo miviri yakatarisana naTake Money yakakosha zvikuru uye anofanirwa kuihwina yese.

“Kuda achasangana naSasha Mambo kuMalawi mwedzi unotevera mumutambo unogona kutambirwa kuBulawayo saka izvezvi tiri pakati pekuita gadziriro takatarisana nemutambo uyu.

“Kuti Take Money azopihwe zvekare mumwe mukana wekurwira mabhande akasiyana eWBC, anofanirwa kuhwina mitambo miviri yaakatarisana nayo kutanga newaMambo. Kana tapedza naMambo, tinenge tave kurongwa mumwe mutambo unotevera,” anodaro Musonda.

Pari zvino Take Money ndiye ane bhande reWBC Interim Title iro akahwina gore radarika apo akakunda Cathrine Phiri wekuZambia.

Bhande iri akazobudirira kurwira kuri chengetedza apo akakunda Zulina Munoz wekuMexico mumutambo wakatambirwa muno izvo zvakazomuhwinisa tikiti rekusangana naMercado.

Share This:

Sponsored Links