Cholera: Chitungwiza ibhambu ramirira kudhiuka

02 Nov, 2023 - 14:11 0 Views
Cholera: Chitungwiza ibhambu ramirira kudhiuka Suweji iri kungoyerera pose-pose

Kwayedza

. Suweji iri kungoyerera mudzimba

. Zvimbuzi zvakasomira kushanda

. Mvura yakachena haipo papombi

Muchaneta Chimuka

DAMBUDZIKO rechirwere chemanyoka echolera rinogona kukura zvakanyanya kunzvimbo dzinosanganisira Chitungwiza uko vamwe vagari vekuSt Mary’s vanoti vari kuitira tsvina mumigomo vachinorasa mumasango munguva dzemanheru nekuda kwekuparara kwezvimbuzi zvavo uye kushaikwa kwemvura yekushandisa.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anotaridza kuti nemusi wa30 Gumiguru 2023, Zimbabwe yakava nenyaya itsva 54 dzinofungirwa kuva dzechirwere checholera uye munhu mumwe chete anonzi akafa nekuda kwechirwere ichi.

Panyaya 54 idzi Chitungwiza ine 28, Buhera 10, Harare 5, Gutu 4, Zaka 3, Mutare 2, Chimanimani 1 kuchizoti Shamva ine munhu mumwe chete anofungidzirwa kuti akabatwa necholera.

Kusvika pari zvino, Zimbabwe yakawana nyaya 6 021 dzevanhu vanofungirwa kuti vakabatwa necholera apo 1 055 dzakatsinhirwa nevezveutano, 5 763 vakapora, 44 ndufu dzakatsinhirwa ne123 vane ndufu dzinofungidzirwa kuve dzichirwere ichi.

Kwayedza nemusi weMuvhuro uno yakamema marukisheni emuChitungwiza akadai seZengeza, Unit O, Unit P, Unit G, Makoni, St Mary’s neUnit D ndokuona kuti pane mukana mukuru wekuti cholera ipararire zvakanyanya munzvimbo idzi.

Vamwe vagari vava kutogara vakazvivharira mudzimba senzira yekutiza nhunzi hombe dziri kungotenderera siku nesikati.

Nhunzi dzinotakura hutachiona hwecholera nedzimwe mhando dzezvirwere zvemanyoka.

Mivharo yepanosvikira suweji yakabiwa

Muhurukuro nevagari vekuChitungwiza, vakapa zvichemo zvakawanda izvo zvinobvira pakusatakurwa kwemarara nenguva nekanzuru yeko, kusagadzirwa kwepombi dzesuweji nekushaikwa kwemvura yakachena.

“Ini ndinogara muno muSt Marys munaIngwe Drive, hakuna mvura yemupombi tinotoshandisa yemumatsime asi inenge ichotonhuwa tsvina nekuda kwekuti suweji iri kungoyerera pese-pese. Tine raini risina zvimbuzi zvachose zvekuti tinotoshandisa mabhaketi tozonorasa munguva dzemanheru asi vamwe vanokumbirawo kune vane zvimbuzi vachiripiswa mari kana zvekushandisa mukuchenesa zvimbuzi zvavanenge vashandisa,” anodaro Tichaona Munda.

Anoti dambudziko recholera rinogona kukura munharaunda maanogara sezvo vasati vawaniswa rubatsiro rwemapiritsi ekuchenesa mvura uye ruzivo maringe nechirwere ichi.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi, Susan Kanyemba, anoti vava nemakore mazhinji vasina mvura yekushandisa mudzimba.

“Mvura tiri kutenga US$1 mugomo saka kuti tinozowana yekudira muzvimbuzi rinenge ratova dambudziko nekuti tinokoshesa yekunwa nekubikisa,” anodaro.

Mai Tamare Gomo

Mai Tamare Gomo vanotiwo: “Masuweji muno ari kungodhuuka. Zvivharo zvekunosvikira tsvina yesuweji zvakabiwa saka nhunzi dziri kuwanda.”

Tecla Bomba anoti vana vake vakatombobatwa necholera makore mashoma adarika asi vakazonaya mushure mekukurumidzirwa kuendeswa kuchipatara.

Sidney Mavirikidze anova sachigaro weHuruyadzo Flea Market iri kuSt Mary’s anoti kune vatsigiri vakavavakira chimbuzi chekushandisa asi dambudziko nderekuti chava nemakore chakangovharwa.

Anoti izvi zvava kuvatuma kuti vanokumbira zvimbuzi zvemumabhawa asi vamwe vanotya kubhadhariswa vopedzisira vava kuitira tsvina kuseri kwechimbuzi ichi.

Mayor weChitungwiza, VaLovemore Maiko

Kanzura weWard 7 vari zvekare Mayor weChitungwiza, VaLovemore Maiko, vanotsinhira kuti dambudziko recholera rakakura munzvimbo mavo.

“Pari zvino takaumba mizinda inorwisa chirwere checholera muSt Mary’s (cholera treatment centre) uye tiri kushanda neHurumende nevamwe vatsigiri kuti tikunde dambudziko iri. Takatoita misangano nekanzuru yeHarare kuti inge ichiwedzera huwandu hwemvura yainotiwanisa sezvo pari zvino tiri kungowana 23 megalitres zvinoita kuti vagari vawane mvura mukati memazuva mashoma. Tine hurongwa hwekuti Chitungwiza inge ichizviwanisa mvura yayo yakazvimirrira pane kupona nemamwe maguta kuti tive nezvinangwa zvebudiriro zvinoendeka zvemaSustainable Development Goal nhamba 6,” vanodaro.

VaMaiko vanotiwo pombi zhinji dzesuweji muChitungwiza dzakapara.

“Dambudziko resuweji rakakura muno zvekuti panotoda mari zhinji kuti tikunde nekuti tinoti tikagadzirisa nhasi mangwana romuka zvichikonzerwa nekuti mapaipi akaiswa madiki aifambirana nehuwandu hwevanhu hwaiveko kare. Iko zvino vanhu vari kugara mumadhorobha nemumaguta vawanda zvakapetwa zvinorevawo kuti pava kuda mapaipi akakura kuitira kuti suweji yedu ifambe zvakanaka ichienda kwainofanira kusvikira,” vanodaro.

Panhau yemarara, VaMaiko vanoti ari kutakurwa svondo rega-rega kusara kwedzimwe nzvimbo itsva idzo dzakavakwa munharaunda dzisina zvakadai semigwagwa.

“Nzvimbo dzisina kusevhiswa tichagadzira migwagwa kuitira kuti motokari dzedu dzikwanise kusvika kwese dzichitakura marara uye zvinotibatsirawo kuti tiwane miripo. Tiri kukurudzira veruzhinji kuti vavake zvimbuzi zvekufurasha zvine pekugarira pachinzvimbo chemablair toilets ekutonona. Tinotenda rutsigiro rwehomwe yeAfrican Development Bank pasi pechirongwa cheZim Fund 3, rwatiri kushandisa mukuona kuti veruzhinji vawaniswa mvura nezvimwe zvinodiwa mukuchengetedza utsanana,” vanodaro.

Shaudai Gomo anova community health promotion officer kuSt Mary’s anoti vari kufamba vachikusha mashoko echenjedzo kune veruzhinji maringe nechirwere checholera.

Mai Shaudai Gomo

“Cholera iriko uye vanhu vari kufa zvechokwadi. Kana dambudziko remvura, marara nezvimbuzi rikasagadziriswa nenguva, vanhu vanopera muno nokuti kana vanhu vari kumusoro uko vari kurasira mabhaketi avo etsvina kumasango zvinoreva kuti munhu wese muno acharwara. Tinokurudzira vanhu kuti vafashaidze mvura yekunwa nekugeza maoko vasati vabata kudya, zvikuru mushure mekushanyira zvimbuzi,” vanodaro.

VaItai Rusike, avo vanova executive director kusangano reCommunity Working Group on Health, vanoti chirwere checholera chinodziviririka kana veruzhinji vakawaniswa zvekushandisa zvakakwana zvinosanganisira mvura, hutsanana munharaunda, ruzivo nekurapwa muzvipatara.

VaItai Rusike

Chikamu cheSection 77 chebumbiro remutemo reZimbabwe chinotaura kuti munhu wese ane kodzero yekuwana mvura yakachena, yakachengetedzeka uye iri padyo naye.

Share This:

Sponsored Links