Cholera yadzoka zvakare muHarare

04 Oct, 2023 - 15:10 0 Views
Cholera yadzoka zvakare muHarare Chipatara chine varwere vanenge vachirapwa vabatwa necholera

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIRWERE checholera chanyuka zvekare muguta reHarare zvichitevera kubatwa kwakaitwa vanhu vashanu nedenda iri mumisha yemo inosanganisira Stoneridge, Granary, Adbernnie Mbare neHopley Zone 5 uko kwese kwakamboita mazuva kusina mvura yekushandisa.

Izvi zvakaona vamwe vagari veko vachishandisa mvura yemumatsime asina kuchengetedzeka zvinova zvine njodzi kuutano hweveruzhinji.

Kanzuru yeHarare yanga iri kunetseka kuwana mishonga yekuchenesa mvura, semashoko ayakatumira mumagwaro ayo.

Vamwe vevatatu vane chirwere ichi vanofungirwa kuti vakabva kuBuhera nguva pfupi yadarika uko kwakambonyuka cholera mumasvondo adarika.

“Kanzuru yeHarare inozivisa vagari kuti ine nyaya shanu dzechirwere checholera idzo dzakaonekwa munzvimbo dzakadai seHopley Zone 5, Stoneridge, Southlands, Granary neAdbernnie, kuMbare. Tinokurudzira veruzhinji kuti vatore matanho ekuchengetedza utano kuitira kuti vasatapurirane chirwere ichi,” inodaro kanzuru iyi mugwaro rayakaburitsa.

Nyaya yekutanga yecholera yakaitika kuChegutu munaKukadzi gore rino apo vanhu vanodarika vashanu vakarasikirwa neupenyu.

VaItai Rusike

VaItai Rusike, avo vanova executive director wesangano reCommunity Working Group on Health, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji mumaguta nemadhorobha vawaniswe mvura yakachena nguva nenguva kuitira kudzivirira kunyuka kwecholera.

“Dambudziko rechirwere checholera hariperi munyika muno kana vemakanzuru vasiri kugadzirisa matambudziko anoita kuti chirwere ichi chivepo akadai sekushaikwa kwemvura yemupombi yakachena. Kana vanhu vakangova nepombi dzemvura mudzimba asi mvura yacho ichiita masvondo kana mwedzi isiko, matambudziko echirwere checholera anoramba akatikomberedza.

“Zvimwe zvibhorani zviri kungocherwa panzvimbo dzese-dzese zvekuti suweji inogona kutushuka nepasi yopinda mumvura inonwiwa nevanhu. Marara haasi kutakurwa zvachose saka kana hutsvina hukaramba huchiwanda munharaunda dzinogara vanhu chirwere checholera chinoita nyore kunyuka,” vanodaro.

VaRusike vanoenderera mberi vachiti: “Kune veruzhinji ndinoti, ngatifashaidzei mvura yekunwa kana kuisa mapiritsi anochenesa mvura tiuraye hutachiona hunokonzera cholera nedzimwe mhando dzezvirwere zvemanyoka. Chikafu ngachibikwe chichiibva chodyiwa chichiri kupisa uye ngatigezei maoko nguva dzose, zvikuru mushure mekushanyira zvimbuzi kana kukwazisana.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>