Uncategorized

Corona nevatyairi vemagonyeti

30 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Corona nevatyairi  vemagonyeti

Kwayedza

Mthabisi Tshuma naPatrick Chitumba
NECHINANGWA chekuedza kumisa kutapurirana nekupararira kwechirwere cheCovid-19, Hurumende inoti vatyairi vemagonyeti vanofanirwa kuva nema “thermometer” ma“face mask” nemishonga yekugezesa maoko pavanofamba.

Mirawo mitsva iyi iri mumutemo weStatutory Instrument 19 of 2020 uyo wakaparurwa nemusi weSvondo wadarika. Vatyairi vemagonyeti vanokurudzirwawo kuti vasabude mumarori avo pavanenge vari pabasa.

Mutemo uyu unoti motokari dzinotakura zvinhu dziri pamabasa akakosha panguva ino dzinofanirwa kuva nemathermometer anoshanda, maface mask akakwana emutyairi kana vamwe vaanenge achifamba navo, mushonga wekugeza maoko pamwe chete nepekurasira marara nezvaanenge ashandisa.

Mutemo uyu unoti mutyairi anofanirwa kuzvigeza maoko nekuona kudziya kwemuviri wake pamuganhu wenyika waanenge asvika.

Vatyairi vanenge vachigara munyika kwemaawa anodarika 24 vanonzi vagare kwavo voga kunzvimbo dzakagadzirirwa izvi kwenguva yavanenge vari muno.

“Mutyairi wemotokari inotakura zvinhu haafanirwe kumira kunze kwepamuganhu wenyika, kana panzvimbo dzakagadzirirwa kumira magonyeti uye kana akamira ipapo, mutyairi kana mumwe wevaanofamba navo vanofanirwa kuramba vari mumota kana kuti vanobuda kwekanguva kadiki kana vachida kushandisa chimbuzi nekubatsira kuisa mafuta mumota.”

Mutyairi kana mumwe wevaanofamba navo kana achida chikafu kana zvimwewo muchitoro, haafanirwe kubuda mumota asi kuti anofanirwa kubatsirwa nemunhu wemuchitoro kana vanoshandira pamiganhu yenyika.

“Panyaya yevatyairi vemotokari dzinotakura zvinhu kubva kunze, mapurisa vanenge vari pamuganhu wenyika kana panomira magonyeti panoburutsirwa zvinhu vanofanira kupfapfaidza mushonga wekuuraya hutachiona pazvinhu zvacho nepazvichaiswa mushure mekuzviburutsa,” unodaro mutemo uyu.

Mutemo uyu unoti ndege yose inofanirwa kusimuka mukati memaawa gumi kubva painenge yasvika.

Kana mumwe wevanenge vachifambisa ndege achifanirwa kuita husiku ari munyika, anosungirwa kugara kwake oga panosvikira ndege kudzimara asimuka.

Veruzhinji vari kunetseka nenyaya yevatyairi vemagonyeti  avo vari kupinda munyika vachibva sekuSouth Africa nenyaya yekuti vangangoparadzira Covid-19.

Magonyeti ari kutenderwa kufamba achienda kunyika dzakasiyana asi dzimwe mota hadzisi kupinda pamiganho yenyika.

Kutenderwa kufamba kwemagonyeti kwakaitirwa kuti nyika ive nezvekushandisa nezvekudya zvakakosha zvakakwana.

Vachitaura nevashandi veHurumende paEsigodini District Hospital, Provincial Administrator, Muzvare Sithandiwe Ncube vanoti panoda kuti vatyairi varambe vachiongororwa pavanomira pose.

Muzvare Ncube vanoti kumira kwemagonyeti vatyairi vachizorora kunogona kuita kuti Covid-19 iparadzirwe munyika.

“Sedunhu, tiri kushungurudzika nenyaya yevatyairi vemagonyeti avo vari kubva kunze vachimira mumaguta pavanenge vachienda kunzvimbo dzavanosvikira. Tinozvinzwisisa kuti vanoongororwa pavanopinda munyika asi sedunhu riri munzira dzavanoshandisa pakupinda muno, tinoti vawedzere kuongororwa chero panzvimbo dzvanozororera.”

Muzvare Ncube vanoti vatyairi vemagonyeti vanotsvaga shamwarikadzi pavanomira zvinozoita kuti vatyore murawo unokurudzira kuti vanhu vagare vari kure nekure (social distancing).

“Pose pavanomira ndiyani anoziva kuti vanhu ava vanenge vainanani? Kune madzimai anoda kufadza vatyairi vemagonyeti. Kusangana kwavanoita kunobva kwaita kuti nyaya yekuti pave nechinhambwe pakati pevanhu isashande. Vakadzi vaya vanosara vachisangana nevamwe munharaunda dzavagere.”

Muzvare Ncube vanoti vari kugadzirisa kuti vatyairi vemagonyeti vaonekwa mafambiro avo. Vanokurudzira vatyairi ava kuti vasiyane netsika yekutorana navanachenzira pavanomira vachizorora.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>