Uncategorized

Coronavirus: ‘Money changer’ anoti kudii?

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Coronavirus: ‘Money changer’ anoti kudii? Tinashe Chapeta

Kwayedza

Malven Mugadzikwa naNyasha Bvudzijena

VANHU vanoita basa rekuchinja nekutengesa mari zvisiri pamutemo (money changers) muguta reHarare vanoti kunyangwe zvazvo vachiziva kuti vari panyatwa yekutapurirwa chirwere checoronavirus kana kuti Covid-19 nekuda kwemari yekunze yakasiyana yavanoswera vachingobata, havazi kuzosiya basa iri nekuti ndiro rinovapa raramo.

Kwayedza nemusi weChitatu uno yakaita hurukuro nevamwe vanoita basa rekuchinja mari avo vanoti munhu wose anoshandisa mari, nekudaro handi ivo voga vari panjodzi yekubatwa neCovid-19 kuburikidza nekubata kwavanoita mari.

Lloyd Chisuwa anoti mashoko ekuti mari inogona kuparadzira coronavirus ari kuanzwa.

“Nyaya iyi tiri kunzwa kufamba kwairi kungoita mune veruzhinji uye takaona kuti tinofanira kuzvidzivirira. Seni, maRands ekuSouth Africa ndakambomira kutora nekuti ndiko kuri kunzi kune vanhu vakatobatwa neutachiona hwacho. Mari yeikoko ndakatomboimira, ndava kumboita zveyemuno chete nemaUS$,” anodaro.

Mashoko ake anotsigirwa naChipo Ndoro achiti basa ravo rekuchinja mari rine njodzi huru yekutapurirana chirwere sezvo mari ichipinda nemumawoko evanhu vakawanda. “Mari dzatinoshanda nadzo dziri kupfuura nemumawoko evanhu vakasiyana-siyana. Pamusoro pezvo, tinotokwazisana nemawoko nevanhu vanenge vauya kwatiri kuti tivabatsire nekudaro coronavirus yacho inotogona kutibata asi kana zvaitika hapana chekuita nekuti tiri kuda mari uye ndiro basa redu.

“Tinongoramba tichingochinja mari dzacho, anenge abatwawo nacho chiwere chacho anenge aitawo munyama asi ticharamba tichitsvaga nzira dzekudzivirirawo patinenge tichiita basa redu,” anodaro.

Tinashe Chapeta anoti nyaya yemari haisi kungobata vanoichinja chete, asi munhu wose.

“Nyaya iyi handione sekunge inobata isu chete asi ndeyemunhu wose nekuti hapana anoti haashandise mari sezvo ichifambisa upenyu. MaRands ndiri kutotora, handisi kumira nekuti ndikasarudza basa rinofa. Ngatibatanei senyika toona nzira dzekudzivirira kupararira kwechirwere ichi pane kupana mhosva.

“Munhu anochinja mari neasiri kuchinja mari, vose vanongobata mari uye mari haisarudze pakuparadzira chirwere kune anoichinja chete,” anodaro Chapeta.

John Matema anoti zviri nani kuti vanhu vanotengesa nevari kutenga mari yacho vashandise mishonga inouraya utachiona (sanitizers) kudzivirira kupararira kwezvirwere.

Anoti zvekuti vambomira kuchinja mari hazvigoneke nekuti ndizvo zviri kuvapa raramo.

Kuchiti Rosemary Masekesa anoti akangonzwa nerunyerekupe kuti mari inogona kuita kuti dambudziko recoronavirus rikure.

“Ndakangonzwawo kuti mari necoronavirus zvinodyidzana. Asi ini ndiri munhu anonamata, handizvitende kuti ndingakanganiswe kuita basa rangu naizvozvo nekuti Mwari ndiye anondichengeta uye haandisiye ndichifa,” anodaro Masekesa.

Zvichakadai, nyika yeChina – uko kwakatanga kuonekwa Covid-19 – nguva pfupi yadarika yakazivisa kuti ine hurongwa hwekuparadza mari yakange yatorwa kuzvipatara, kumisika inotengesa zvakasiyana nekumabhazi munzvimbo dziri kunyanya kunetsa coronavirus.

Fan Yifei, anova deputy governor webhengi guru rekuChina, anoti vane hurongwa hwekuisa mari itsva inosvika 600 bhiriyoni yuan (US$85,6 bhiriyoni) pamusika wemari kutsiva inenge yazobviswa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>