Coronavirus yatigura kunorira: Nyakoko

16 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Coronavirus yatigura kunorira: Nyakoko Wilson Nyakoko

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA yemujaho wewiricheya, Wilson Nyakoko, uyo ave kurairidza vamwe vari kusimukira mumutambo uyu, anoti kuuya kwechirwere cheCovid-19, icho chashungurudza vanhu pasi rose kwagura vakawanda kunorira sezvo raramo yavo yapinda panyatwa.

Nekuda kwekutekeshera kuri kuita coronavirus — utachiona hunokonzera Covid-19 — mitambo yose pasi rose yakambomiswa senzira yekuti vanhu vasaungane.

Danho iri raona upenyu hwevatambi vemitambo yakawanda pasi rose vachirasikirwa nemari dzinovararamisa.

Achitaura neKwayedza svondo rino, Nyakoko — uyo ave kurairidza Stella Jongwe — anoti vanhu vakaremara uye vanoita mutambo uyu vakanganiswa mararamiro avo necoronavirus.

“Mukatarisa vanhu vakaremara sesu, vamwe tinozvimirira toga tichizviitira zvinhu zvedu toga. Ini nevamwe vakaita saJongwe tinorarama kuburikidza nekukwikwidza mumijaho iyoyi. Ndipo patinotowanawo napo mari inotiraramisa.

“Mukaona kana upenyu hwaJongwe, inherera mushure mekunge ashaikirwa nevabereki achiri mudiki ndokukura achichengetwa nehama. Kubva zvaatanga kukwikwidza mumijaho yakasiyana, upenyu hwake hwange hwatoshanduka, zvino hatizive kuti tichadii mitambo zvayakambomiswa pasi rose,” anodaro Nyakoko.

Nyakoko uyo anova maneja uye murairidzi waJongwe anoti vaviri ava vange vachitarisira kunokwikwidza kunyika yeAmerica munaGumiguru, asi vakatumirwa mashoko ekuti mitambo yavaida kuendera yakambomiswa.

Anotizve pari zvino vave kungonamata kuti chirwere ichi chipere nekukasika vagokwanisa kukwikwidza zvakare mumijaho yemuno mumwedzi inotevera.

“Taitarisira kuenda kunokwikwidza kuAmerica muna Gumiguru asi takaziviswa kuti mitambo yacho yakamiswa zvatove zvegore rinotevera. Tange tichitarisira kuenda kunyika iyi zvichitevera kukwikwidza kwakaita Jongwe kuSouth Africa akadadisa.

“Mijaho yemuno tichaziviswa kuti ichafamba sei kana lockdown yapera,” anodaro Nyakoko. Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 18 vange vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe apo vatatu vavo vakatoshaika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>