CORONAVIRUS YATIPARIRA: YOGI

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
CORONAVIRUS YATIPARIRA: YOGI David Mandigora

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa ichitamba nhabvu ikazorairidza mutambo uyu — David “Yogi” Mandigora — inoti chirwere checoronavirus icho chatekeshera pasi rose uye chikakonzera kuti mitambo yenhabvu imbomiswa kunyika dzakasiyana chakanganisa zvikuru vatambi vemuno vaishuvira kuenda kunotamba kunze kwenyika nevarairidzi vaidzidza zvakawanda kubva kuzvikwata zvekuEurope.

Nhabvu yekuEurope yekunyika dzine maligi ane mukurumbira anosanganisira England Premier League, Spanish LaLiga, Italian Serie A, Germany Bundesliga neFrench Ligue yakambomiswa iri pakati sezvo coronavirus iri kubata vatambi vazhinji nevamwe varairidzi.

Yogi, uyo akaita mutambi wekutanga kuhwina mubairo weSoccer Star of Year apo Zimbabwe yakawana kuzvitonga kuzere mugore ra1980, anoti nhabvu yemuno inogona kudzokera kumashure zvikuru sezvo varairidzi vazhinji vange vachiona mitambo yekunze iyi vachiishandisa kudzidza kuti mutambo uyu ugosimukira.

“Coronavirus iyi yatiparira zvikuru, toziva kuti vamwe vatambi vedu vaitarisira kuenda kuEurope asi vave kukundikana nekuda kwechirwere ichi.

Havasi vatambi vega, asi isuwo varairidzi venhabvu taitevera zvikuru nhabvu yekuEurope tichiona kuti inofamba sei tichidzidza kubva kwairi.

“Tinoshuvira kuti nhabvu yedu isvike padanho rekuEurope saka tinofanirwa kunge tichiona mitambo yacho nekudzidza kubva kwairi, manje zvambomiswa mitambo zvichatidzorera shure. Makaona Tonderayi Ndiraya akaenda kuBelgium akanoita masvondo maviri ariko achidzidza, kuda kuona nhabvu yedu ichisimukira ichienda mberi,” anodaro Yogi.

Anoti nhabvu yemazuva ano yashanduka zvikuru kusiyana nekare nekuti yave kutorwa sebhizimusi uye vatambi vari kutungamidza mari mberi.

Yogi panguva yaakatambira Dynamos yairairidzwa naShadreck Ngwenya uye naShaw Handriade.

Anoti panguva yavakatamba vaisakara mari asi kuti vaitambira kunakidzwa nemutambo uyu.

“Isu nhabvu taiitamba nekuti taive nerudo nemutambo uyu zvasiyana nevatambi vemazuva ano. Nhabvu iye zvino ibhizimisi chairo, vatambi vave kutsvaga kune mari kwavanopihwa mari yakawanda vasingatarise kuti vaenda kuchikwata ichi vachanosimukira here?

“Chekutanga, ngavave nerudo nemutambo uyu uye voshanda nesimba izvo ndinoona kuti zvichavabatsira kusimukira uye kuenda kure mumutambo uyu,” anodaro.

Yogi akakurira kuDynamos kubvira kuzvikwata zvevechidiki achiona vatambi vakaita saGeorge Shaya uyo akambohwina mubairo weSoccer Star of the Year.

Anoti izvi ndizvo zvakamupa shungu yekushanda nesimba kusvika azohwinhawo mubairo uyu mugore ra1980.

“Ini ndakakurira mumhuri yeDynamos kubva kuvadiki kusvika ndave kuchikwata chevakuru. Pandaikura ndaiona vatambi vakaita saGeorge ‘Mastermind’ Shaya vachitamba uye yaive nyanzvi yepamberi nekudaro zvaititumawo kuti tishande nesimba. Saka ndakashanda nesimba kusvika ndazohwinawo mubairo uyu,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>