Kwayedza
Zvekungwarira pamusoro peCoronavirus
- Kuungana kweveruzhinji hakufaniri kudarika vanhu makumi mashanu
- Miganhu yenyika yakavharwa kuti vanhu vasafamba kunze kwevari kudzoka chete
- Miganhu yenyika inovhurirwa avo vari kufambira zvakoshesesa
- Kuongororwa kwevari kufambira zvakakoshesesa kunze kwenyika kuri kuramba kuchiitwa
- Vanhu vari kudzoka kubva kune dzimwe nyika vanofanira kugara kwavo voga kwemazuva makumi maviri nerimwe
- Panodiwa umboo hwemagwaro anoratidza kuti vanhu vari kubva kunyika dzine Covid-19 havana chirwere ichi
- Kufamba kusina tsarukano kunze kwenyika nemuZimbabwe hakusi kukurudzirwa
- Kurambidzwa kwekuungana kwevanhu munzvimbo dzekunwira doro, kunoonerwa mitambo, kwekusimbirira miviri nemimwewo mitambo kusvika vanhu vazoziviswa.
- Vanhu vari kukurudzirwa kuti vasaende kumisika
- Vashandirwi vari kukurudzirwa kuderedza huwandu hwevashandi