Uncategorized

Covid-19, HIV nevechidiki

27 Sep, 2020 - 06:09 0 Views
Covid-19, HIV  nevechidiki Chido Katsiga

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VECHIDIKI vanorarama nehutachiona hweHIV vanoti vari kusangana nematambudziko gumi nefararira munguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19 izvo zvava kukonzera kuti vatadze kutora mishonga yavo yemaAnti-retroviral Drugs (ARVs) pamwe chete nenzira dzekurera mhuri nemazvo.

Mashoko aya akabuda pamusangano wakaitwa nesangano reZimbabwe Young Positives (ZY+) nevechidiki ava nemusi weChina muguta reHarare.

Mamwe ematambudziko akabuda pachena anosanganisira kumanikidzwa kudura nezveutano hwavo apo vanobvunzwa nemapurisa pavanenge vachinotora mishonga yavo kuzvipatara nemakiriniki.

Vanoti izvi zvinovadzikisira nekuvashungurudza mupfungwa, pakati pezvimwe sezvo vanenge vasina kusununguka kudura mamiriro eutano hwavo paruzhinji.

VaKelvin Makura, avo vanova murongi kuZimbabwe Young Positives, vanoti Hurumende nevamwe vatsigiri vanofanirwa kushanda pamwe mukuona kuti vechidiki vawaniswa mishonga yavo nenguva kuitira kuti vasadarike kuinwa sezvo zviine njodzi kuutano neupenyu hwavo.

“Hatisati hedu tava nehuwandu hwevechidiki vakakundikana kuwana mishonga munguva ye’lockdown’ asi tine vane chitsama vari kuunza nhunha dzavo. Tatova nenhare yepachena (toll free) yekuti vechidiki vanenge vaita dambudziko maringe neutano hwekuyaruka kana kurapwa zvirwere zvepabonde vatibate kuti vabatsirwe nenguva.

“Vechidiki vange vachisangana nedambudziko rekubvunzurudzwa pakufamba, vamwe vachitosvika pakuburitsa mapiritsi avo seumbowo hwekuti vari kuenda kana kuti vanobva kunotora mishonga yeHIV,” vanodaro.

Chido Katsiga, uyo anoshandirawo sangano iri, anoti zvimwe zvipatara zvakambomira kurapa zvirwere zvepabonde nekuda kweCovid-19 zvikaita kuti vamwe varasikirwe panyaya dzeutano.

“Zvimwe zvipatara nemakiriniki zvakavhara sezvo zvanga zvava kungotarisana neCovid-19 izvo zvakaona zvimwe zvirwere zvinodawo rubatsiro seHIV nemishonga yekuronga mhuri zvichifuratirwa.

“Vechidiki vange vasisawane mabasa anovapa mari nechikafu, apa mishonga yemaARVs inoda kuti munhu atange adya,” vanodaro.

Kelvin Kudakwashe Makura

Vechidiki ava vanova nhengo dzesangano reCommunity Adolescent Treatment Supporters (CATS) iro rinobatsira vane makore 18 kusvika 24 ekuberekwa mukutsigira kurapwa kwezvirwere zvepabonde, kusanganisira HIV, vanokurukura nhunha dzavo zvisinei nekuti vanoti havadi kuzivikanwa nemazita avo chaivo.

“Kubvira pakatanga Covid-19 muno, mararamiro edu akasanduka zvinhu zvikatiomera. Saka chengetedzo kuzvirwere zvepabonde uye neyekubata pamuviri pange pasisina nekuti taitenga neiko mapiritsi nemishonga isu tichinetseka mari yechikafu chaiyo?” anodaro Tinashe.

Susan (22) anoti akashungurudzwa kakawanda mumigwagwa apo aienda kunotora maARVs mudhorobha achibvunzwa matsamba ekufambisa.

“Pamwe pacho ndakanzi ndiburitse gaba remapiritsi emaARV acho vachida kuona kuti ichokwadi here apa mubhazi muzere vanhu. Vamwe vakatovhunduka kuona kukura kwemapiritsi acho. Vamwe hatina kuzvipira kuzivikanwa zvatiri maringe neHIV,” anodaro.

Susan anoti akagumisira ava kunorapwa kuzvipatara zvinobatsira vanhu vanoita basa rekutengesa miviri kuSESHA sezvo kuri iko kwaiwaniswa nzira dzekurera mhuri nekukasika achiitira kuti asabata pamuviri pasina kurongeka.

SESHA isangano rinoshanda neNational AIDS Council mukutsigira vanhu vanotengesa miviri kuti varapwe pachena zvirwere zvepabonde, kusanganisira HIV.

Zvisinei, sangano reZY+ rinoti riri kubatsira vechidiki nemashoko kuburikidza nedandemutande kuti vakwanise kuziva kwavanotorera mishonga uye kwekumhan’ara kana vachinge vaomerwa.

Ongororo yakaitwa nesangano reWorld Health Organisation munaChikunguru gore rino inoratidza kuti chikamu che33 percent chevanhu vari kurarama neHIV pasi rose vari kusangana nedambudziko rekushomeka kwemishonga yemaARVs nekuda kwezvibingaidzo zvakaunzwa neCovid-19.

Mamiriro ezvinhu aya anonzi anogona kuzokonzera kuwanda kwendufu dzakarerekera kuHIV neAIDS kakapetwa mugore ra2030

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>