Covid-19: ‘MUSANYENGEDZWE’. . . ‘Hainei nekudziya, kutonhora kwekunze’

29 Oct, 2020 - 10:10 0 Views
Covid-19: ‘MUSANYENGEDZWE’. . . ‘Hainei nekudziya, kutonhora kwekunze’ Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti veruzhinji havafanirwe kuzvinyengedza vachiregedza kutevedzera matanho ose akatarwa mukurwisa chirwere cheCovid-19 vaine pfungwa dzekuti denda iri harina simba mumwaka wekupisa sezvinotaurwa nevamwe sezvo richigona kunyuka kechipiri kana nyika ikavarairwa.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachizvidzivirira kubva kuchirwere ichi. “Cabinet inoda kubvisa mafungiro ekuti kudziya kwekunze kunoita kuti chirwere ichi chishaye simba uye inoda kuyambira kuti panogona kuve nekunyuka kechipiri kweCovid-19 kana vanhu vakasatevedzera matanho akatarwa ekuzvidzivirira,” vanodaro.

Izvi zvinotevera mashoko anogarotenderera padandemutande anotaurwa nevamwe vanhu vachiti hutachiona hwecoronavirus – uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 – haurarame kana kuti hauna simba munzvimbo dzinopisa. Mafungiro aya haana rutsigiro rweumboo kubva kunyanzvi dzezveutano.

Sen Mutsvangwa vanoti Cabinet yakaita chisungo chekuti miganhu yenyika ichivhurwa kuruzhinji uye muzvikamu. “Cabinet yawirirana kuti miganhu yenyika ichivhurwa muzvikamu pachitanga neBeitbridge, Plumtree, Victoria Falls, Chirundu, Nyamapanda kwozouya Forbes,” vanodaro. Miganhu iyi ichatanga kuvhurwa kuvatyairi vedzimotokari vakazvimirira nevanhu vanofamba netsoka nemusi wa1 Zvita 2020 panguva iyo panenge paitwa ongororo yegadziriro yekuti vanofamba nemabhazi anoenda kunze kwenyika vangabatwa sei.

“Cabinet inoda kuzivisa veruzhinji kuti nguva yekuti miganhu yenyika inge yakavhurwa iri pakati pa0600 mangwanani kusvika 1800 dzemanheru kudzimara pazoitwa imwe ongororo. Nguva yekuti veruzhinji vanobvumidzwa kufamba husiku yawedzerwa kubva pa2000 dzemanheru kuenda pa2200 kuitira vane magwaro anenge anonoka kufambiswa pakupinda kumiganhu yenyika,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti Zimbabwe ichiri kuwana rubatsiro rwakanyanya kubva kumapoka akasiyana rwezvekushandisa mukurwisa Covid-19.

“Cabinet inozivisa nyika kuti Hurumende ichiri kuwana rubatsiro zvikuru kubva kumapoka akasiyana nechinangwa chekurwisa kupararira kweCovid-19,” vanodaro. Hurumende yeJapan, vanodaro Sen Mutsvangwa, iri kubatsira nekupa midziyo yakasiyana kuzvipatara 12 zviri kumativi ose enyika.

Midziyo iyi inosanganisira maventilator, electrocardiographs, ultrasound scope nemimwe inoshandiswa pakuviiwa kwevarwere. “Midziyo iyi ichagoverwa kuzvipatara zvinosanganisira Parirenyatwa, Sally Mugabe, Mpilo neUnited Bulawayo Central Hospitals uye Bindura, Chinhoyi, Gwanda, Gweru, Kadoma, Marondera, Masvingo neMutare. Rutsigiro rweJapan rwuchabatsira zvikuru Zimbabwe munyaya dzeutano uye mukurwisa Covid-19,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links