COVID-19: Nzira dzekuzvipaura

23 Sep, 2021 - 11:09 0 Views
COVID-19: Nzira dzekuzvipaura Huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kana vari kufa huri kuramba huchidzikira nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Kwayedza

Dr Helen Kabaya

APO chirwere cheCovid-19 chatekeshera nepasi rose, vanoona nezveutano vari kukurudzira veruzhinji kuti vasaite chitsokotsoko nechinangwa chekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Kuve daranganwa zvinoreva kuti vanhu vanenge vari chinhambwe chemamita maviri kubva pane mumwe izvo zvinoita kuti vasabatane maoko kana kumbundira senzira yekudzivirira kutapurirana chirwere ichi.

Panguva iyo nyaya dzevanhu vari kuwanikwa vaine denda iri dziri kuwanda, kune vamwe vari kunzi vazvipaure kana kuti vambogare kunzvimbo yavo voga.

Izvi zviri kuitirwa kuti chirwere cheCovid-19 chisarambe chichipararira.

Kazhinji, denda iri rinotapuriranwa kubva kumunhu kuenda kune mumwe.

Izvi zvinoita kuti kana pamba paine munhu ane Covid-19, panenge paine njodzi huru yekuti vamwe vanogara pamwe chete naye vatapurirwe hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera denda iri.

Kuzvipaura zvinoreva kuti munhu anenge awanikwa aine Covid-19 anombogara kwake ega asingasangane nevamwe.

Kazhinji, munhu ane chirwere ichi anokurudzira kuti ambozvipaura kwamazuva 14 kana mazuva mashoma kune aya zvichienderana nezvinenge zvataurwa nenyanzvi dzezveutano.

Panguva yekuzvipaura, unofanira kucherechedza zvinotevera:

ngwarira zviratidzo zveCovid-19

gara uri chinhambwe chemamita maviri kubva kuve vamwe vemumhuri yako

pfeka masiki yako kana uchinge uri pane vanhu usingakwanise kuve chinambwe chemamita maviri kubva pavari

geza maoko ako nguva nenguva. Ageze nemvura ine sipo kwemasekonzi anosvika 20 kana kuti shandisa sanitizer.

Kuzvipaura zvinoreva kuti munhu ari kurwara uye awanikwa aine Covid-19 asi asina zviratidzo, ambogara kwake oga, kunyangwe kumba kwenyu.

Varwere veCovid-19 vanofanirwa kugara kumba kusvikira:

kwapera mazuva 10 kubvira pavakawanikwa vaine denda iri

kwapera mazuva matatu apo vasisina zviratidzo zvechirwere ichi.

Unogona kurega kuzvipaura kunyangwe uchiri kukosora asi unofanira kuramba uchizvipaura kana kudziya kwemuviri wako kukaramba kwakanyanya kukwira.

Paunozvipaura unofanirwa kuita zvinotevera izvi:

kugara muimba inofefetera mhepo zvakanaka kwako woga kusina vamwe vemumhuri yako

kugara wakavhara gonhi

kugeza maoko nguva nenguva nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer

kupukuta pose paunenge wabata pakadai semibato yekuvhura nekuvharisa magonhi nemvura ine sipo mazuva ose

kana zvichibvira, shandisa nzvimbo yako woga yekugezera uye inofanirwa kugara yakashambidzika

musashandise pamwe chete midziyo yakadai sendiro, makapu, magumbeze kana matawuru ekugezesa.

Mushure mekushandisa zvinhu izvi, zvigezei zvakanaka

garai kure nevamwe vemumhuri menyu kwechinambwe chemamita maviri kusanganisira zvipfuyo.

Unokwanisa kudzivirira vemumhuri yako nevamwe vemunharaunda kuti vasatapurirwe Covid-19 kana ukazvipaura kwenguva inokurudzirwa uye nekutevedzera zvose zvinodiwa.

Dr Kabaya vari kuita zvidzidzo zveMasters in Public Health uye pari zvino vari kudzidzira basa (attachment) vari kuNAC.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>