Covid-19: Votsvaga mazano kuvadzimu

18 Sep, 2020 - 00:09 0 Views
Covid-19: Votsvaga  mazano kuvadzimu Mambo Chundu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MASVIKIRO nemachiremba echivanhu vekudunhu reHurungwe, kuMashonaland West, nevamwe vakabva kumamwe matunhu enyika nemusi weMugovera wadarika vakaita bira rekutsvaga mazano kubva kuvadzimu pamusoro pechirwere chanetsa cheCovid-19.

Bira iri rakaitirwa mugomo rine mapako anoyera reNomburungwe iro rave kunzi gomo reHurungwe riri kwaMambo Chundu.

Mambo Chundu VaAbel Mbasera vanoti kubva pasichigare, matambudziko akaita serechirwere cheCovid-19 aiti akauya, vanhu vaibvunzira kumasvikiro nemhondoro kuburikidza nekuita mapira midzimu ichipa mazano ezvekuita.

“Takaita bira guru rinova rekutanga munyika muno tichitsvaga mazano kuvadzimu nekuda kwechirwere cheCovid-19 rinova denda ratinoti muchivanhu divauriti. Takariita kubva musi wa12 Gunyana kusvika mangwanani ezuva rakatevera. Midzimu yakasvika ikataura zano riripo asi takavimbiswa kuti denda iri richapera munguva yatakaudzwa,” vanodaro Mambo Chundu.

Doro rechivanhu rebira iri rakabikirwa pachikoro  cheHurungwe Primary School apo vanoti vakakumbira mvumo kubva kuvakuru venharaunda iyi nekanzuru vakabvumidzwa.

“Mutambo waitungamirirwa nemhondoro yedu huru inonzi Mubaiwa uye taitevedza zvose zvinodiwa munyaya dzehutsanana kusanganisira kugeza maoko nedota neruredzo kunze kwesipo, kuvhara miromo nemhuno nemamasiki nekugara takatarangana,” vanodaro Mambo Chundu.

Vanoti vakasarudza gomo iri umo maigara Mambo Nomburungwe anonzi pasichigare aitinha nyathi dzemidzimu dzaiyera mudunhu iri.

“Takava nenguva yakanaka zvikuru tikapihwa mazano nemhondoro nemasvikiro edu.

Mamwe masvikiro aivapo anosanganisira Dombojena wekwaKazangarare naJenani wemutupo weMatemai. Takavimbiswa kuti denda iri riri kupera uye panozonaya mvura zhinji iyo yakanzi ichakukura zvose,” vanodaro.

Madzimambo emudunhu reHurungwe nemasadunhu avo vanokwana vapfumbamwe vose vanonzi vaive pachiitiko ichi kusanganisawo nevamwe vakabva kune mamwe matunhu.

“Pabira iri, tine zvatakanzi tiite pakushandiswa kwemishonga yechivanhu iyo vazhinji vari kudya senzira yekudzivirira denda irori.

Mimwe mishonga yechivanhu inoda kutanga yapirwa kuvadzimu kuti ishande zvakanaka kwete kungoitora musango pasina kupira kuvaridzi vesango.”

Zvichakadai, Mambo Chundu vanoti doro rechivanhu rakanwiwa rimwe rikaiswa mumapako iro ravakati rinozonwiwa nemhondoro nedzimwe mhuka dzesango senzira yechivanhu.

“Takapedza zvakanaka bira, takadya nekunwa sezvo pakauraiwa mombe tikanzi zvakare munguva pfupi iri kutevera mvura ichingonoturuka kana kuti isati yaturuka tiende kumadzimbahwe kugomo reHurungwe tonoudzwa zvimwe zvekuita,” vanodaro mambo ava.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>